Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voita Tarisiro Yakanaka ya2017 kuMasvingo


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Vagari vakawanda vekuMasvingo vanoti vanotarisira kuti hupenyu hwavo huchashanduka mugore idzva ravatarisana naro, sezvo zvinhu zvanga zvisina kumira zvakanaka mugore ra 2017.

Vanhu vakawanda vanoti hurumende iri kutunganirirwa na Va Emmerson Mnangagwa ingona kushandura hupenyu hwavo ikapuwa nguva yakakwana gore rinouya nekuti inotaridza kuti iri kuda kuisa mitemo mitsva inogona kuvandudza hupfumi hwenyika.

Asi vamwe vanoti hurumende iyi haina mazano ekuvandudza hupfumi hwenyika sezvo VaMnangagwa nevamwe vavo vaive makurukota makuru ehurumende yaitungamirwa naVaRobert Mugabe avo vakabviswa nemautopasi pechirongwa cheOperation Restore Legacy.

Mugari vemumusha weRhodene, VaZivanai Chikwanda, vanoti havana tarisiro yekuti hupenyu huchanaka vachiti zvinhu zviri kuwedzera kukwira nekuoma munyika apo hurumende itsva yava nemwedzi iri panyanga.

"Mamiriro akaita zvinhu so far, ndikatarisa zvazvakaita pakirisimasi ndiri kuona zvinhu zvazvichinetsa, fuel ichikwira, cash ichishaikwa zvinhu zvichinetsa kutengeka muma shops haa tarisiro yekuti zvinhu zvichanaka becoz ma signs so far anoratidza kuti kwatiri kuenda kunotova nebasa, zvakafita kuti zvichangotiomera nekuti hurumende iri kunzi itsva ndoyanga ingoripo mutongi kubva kare saka inongova sharu yavapo iya," vadaro VaChikwanda.

Asi vamwe vane mafungiro akasiyana vachiti hurumende iripo inogona kudzosa hupenyu hwavo sezvo kwave nemazano matsva anogona kuvaka hupfumi hwenyika.

VaMunamato Chemhuru mudzidzsi wepachikoro che Great Zimbabwe University, ndemumwe wevamwe vanotarisira shanduko mumararamiro evanhu munyika.

Mumwe mugari, VaLovemore Manyanga, vatsigirawo izvi vachiti muna 2018 vanotarisira hupenyu kwahwo, uye mabasa sezvakavimbiswa nemutungmiriri wenyika.

Asi VaAlfred Munemo vekwaMucheke vanoti hupenyu huchatooma gore rinouya uye vanotarisira shanduko kana sarudzo dzegore rinouya dzaitwa zvakachena.

Nyanzvi munyaya dzeupfumi hwenyika dzinoti zvinhu zvinokwanisa kungonaka chete kana munyika mune mari yekunze uye muchigadzirwa zvekutengesera kunze kwenyika.

VaMnangagwa vakavimbisa kuvandudza hupfumi hwenyika pamwe nekugadzirisa zvose zviri kutadzisa nyika kubudirira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG