Accessibility links

Breaking News

Mavhotero eDunhu reMasvingo Openengurwa


VaTakavafira Zhou
VaTakavafira Zhou

Dunhu reMasvingo idunhu rine mukurumbira munyaya dzematongerwo enyika, uye idunhu rine vakuru vakuru munyaya dzematongerwo enyika vakawanda vane zvigaro zvepamusoro mumapato ezvematongerwo enyika.

Panguva dzesarudzo dunhu iri rinozivikanwa richipisa kubva nyika ichiwana kuzvitonga, apo vanoita nezvematongerwe enyika vanonetsana kuti vapinde pazvigaro.

Masvingo inozivikanwawo nekunetsana kwevanokwikwidzana, nedzimwe nguva kuchizoita mhirizhonga yakakura.

Kubva pakawana nyika kuzvitonga, dunhu iri ragara richitorwa neZanu PF musarudzo, asi izvi zvakachinja muna 2008, apo MDC-T yakatora zvigaro zvigaro gumi nezvina musarudzo dzenhengo dzeparamende.

Nyanzvi munezvematongerwe enyika, VaTakafira Zhou, vanoti Masvingo idunhu rine mutauro panyaya dzesarudzo kubva nyika ichisununguka, nenyaya dzemakakatanwa.

“Ndingati history yema elections muMasvingo kubva 1980 kana mu liberation struggle, Masvingo yai supporta liberation struggle zvikuru, kubva 1980 muMasvingo makawhinwa ne Zanu PF zvikuru, Zanu PF yaihwina asi chiri clear ndechekuti ma politicians eMasvingo haana kubatana, division yagara iripo kubva 1980 vachitambiswa nhova nevanhu vekusoro uko mazezuru vana Mugabe, vachitungamiririwa nevanhu vasinganyatsoona , saka tikaona pakauya opposition yakauya wo asi haiana kunyatsoita a mark yakahwina kuna Bikita neMasvingo urban asi pa 2008 ndopaikiata mark ikatora ma seats akawanda.”

Asi musarudzo dzakazotevera muna 2013, Zanu PF yakadzoka nesimba ikatora zvigaro zvose makumi maviri nezvitanhatu izvo zvakaita kuti MDC isare yakabata pasi.

Vamwe vanoongorora zvematongerwe enyika vanoti kunyange hazvo Zanu PF iri iyo yakakunda pasarudzo dzakapfuura , mapato anopikisa ane mukana wekudzosa zvigaro izvi akapinda akabatana sezvo muZanu PF muine kunetsana .

VaZhou vanoti kunyange hazvo MDCT yakakundwa muna 2013, gore rino ine chiedza chekukunda ikaita mubatanidzwa wakasimba sezvo Zanu PF yakapatsanuka sezvakabuda pasarudzo dzayo dzekusarudza vamiririri.

“Zhou-MDC tirikuona yave ne resurgence, ikwanisa kubataana ne mawe mapato ma chances makuru muMasvingo nekuti vakuru vaifana khwina ku Zanu PF vakaruza, saka ikaita selection ye macandidates inemukana mukuru tichitarisa kuti Zanu PF yakapatsanurana.”

Asi veZanu PF vanoti kunyange hazvo vainetsana mumba mavo pasarudzo dzebato ravo, vachabatana kana vave kusangana nemamwe mapato vokunda zvakare musarudzo dzegore rino.

Nhengo yeZanu PF ichakwikwidza muMasvingo Urban, VaBernad Taguma Mazarire, vanoti vanotarisira kutsvaira zvigaro zvose zveparamende mudunhu rose reMasvingo sezvavakaita muna 2013.

“Chokutanga ndoda kutenda President wedu Cde ED Mnangagwa nekuita kwavakaita ma primary elections edu, ini ndiri kuona tichitora ma seats ose muMasvingo toda kuti idozokere, ne new dispensation we are talking of creation of jobs, mukada kuona manifesto yatakabuda nayo toda ku unita vanhu, development, I will work hard to make sure kuti Masvingo ichaita one of the best cities in Zimbabwe.”

Apowo mutauriri we veMDC-T inotungamirwa na VaNelson Chamisa muMasvingo, VaSimon Mupindu, vanoti rwendo runo masamba asiyana, uye vanotarisira kukunda Zanu PF zvine mutsindo.

Mumwe muongorori wezvematongerwe enyika anotaura akazvimirira, VaMasimba Gonese , vanoti kunyange Masvingo yakakosha munhoroondo dzenyika, pasarudzo haina simba rekuchinja zvinobuda musarudzo kuti rimwe bato rikwanise kukunda.

VaGonese vanoti dunhu iri rine mutauro wakawanda uye mapato makuru eZanu PF ne MDC-T achakweshana zvakasimba panguva iyo mapato aya aine vatungamiri vatsva.

Musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2013, vanhu vemudunhu iri vanosvika 258,026 vakavhotera VaRobert Mugabe, ukuwo 180,552 vakavhotera VaMorgan Tsvangirai, ukuwo vanhu 13,433 vakavhotera VaWelshman Ncube.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti zviri pachena kuti mutambo uri pakati paVaMnangagwa naVaChamisa, asi kuvhota kwakaitwa muna 2013 kana kuine chekuita nesarudzo dzegore rino, VaChamisa vakatarisana nemutoro mukuru kuti vakunde VaMnangagwa musarudzo yemutungamiri mudunhu reMasvingo.

Asi vamwe vanoti nekupatsanuka kwaita Zanu PF, zvinhu zvinogona kunakira VaChamisa, kunyange hazvo bato ravo rakapatsanukawo, uye vamwe vasiri kufara nefambisirwo akaitwa sarudzo dzekutsvaka vachamirira bato iri musarudzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG