Accessibility links

Breaking News

Muzvare O’Donovan Vanobvisiswa Mari yeChibatiso


Muzvare Martha O' Donovan
Muzvare Martha O' Donovan

Dare repamusoro rapa neChina chizvarwa chekuAmerica, Muzvare Martha O’Donovan, mukana wekubvisa mari yechibatiso inoita chiuru chemadhora kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Muzvare O’Donovan vakasungwa svondo rapera vachipomerwa mhosva yekutuka nekuzvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mutongi wedare repamusoro, Justice Clement Phiri, vapa mutongo uyu vachiti muchuchusi, VaEdmore Nyazamaba, vatadza kupa zvikonzero zvinogutasa kudare kuti Muzvare O’Donovan vasapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso

Justice Phiri vatiwo Muzvare O”Donovana vanofanirawo kuzvipira paHarare Central nemusi weMuvhuro neChishanu chega chega, uye kuti vagare pakero iri kumapurisa, kuendesa pasipoti yavo kudare pamwe nekusapindira mukuferefetwa kwenyaya dzavo.

Rimwe remagweta ange achimirira Muzvare O’Donovan, VaObey Shava, vaudza Studio 7 kuti vafara nemutongo wapihwa nedare.

Mumwe anoshanda namuzvare O’Donovan, VaSam Farai Monro, vtiwo vafara chose nemutongo wapihwa nedare.

Muchuchusi, VaEdmore Nyazamba, avo vange vachiramba kuti Muzvare O’Donovan vabhadhare mari yechibatiso, vati havana zvavangaite nekuti dare rapa mutongo waro.

Muzvare O’Donovan vakasungwa nemitemo mitsva inoona nezvemashandisirwo emadandemutande akaita se WhatsApp, Twitter, Facebook nezvimwe zvakadaro.

Muzvare O’Donovan vachabuda mutorongo neChishanu uye nyaya yavo inotarisirwa kunzikwa mukati memazuva mashoma ari kutevera kudare ramajisitereti muHarare.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG