Accessibility links

Breaking News

Muzvare O’Donovan Vomiswa Mudare neChitatu


Martha O'Donovan
Martha O'Donovan

Vanotaura vakamirira muzinda we America mu Zimbabwe, VaDavid Mcguire, vanoti Muzvare Martha O’Donovan, avo vakasungwa svondo rapera nenyaya yekutuka nekuzvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachamira mberi kwedare redzimhosva nemusi weChitatu.

Magweta aMuzvare O'Donovan ari kutarisirwa kukumbira kuti musungwa apihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.

VaMcguire, avo vanoti havasati vaona Muzvare O’Donovan mujere mavari, vaudza Studio7 kuti vanotarisira nyaya iyi kugadziriswa nokupedzwa zvakanaka pasina kukanganisika kwekudyidzana kwe America neZimbabwe.

Muzvare O’Donovan vakasungwa nemitemo mitsva inovona nezvemashandisirwo emadandemutande akaita se Whattsup, Twiter nezvimwe zvakadaro.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Doctor Chipo Dendere, vanoti vakamirira kuona kuti hurumende ichashandisa mutemo upi sezvo nyika isati yave nemitemo inobata zvemadandemutande.

Hurukuro naDr Chipo Dendere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG