Accessibility links

Breaking News

VaMandiwanzira Vobvuma Kuti Potraz Ndiyo Yakatara Mitengo yeDhata


Supa Mandiwanzira
Supa Mandiwanzira

Gurukota rinoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, vadududza pamashoko avo ekupomera Econet mhosva yekukwidza dhata rembozhanhare vachiti zvakaitwa nekambani iyi zvainge zvatambirwa neboka rePotraz.

Vachipa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko pamitengo yedhata, VaMandiwanzira vati Potraz yakapa makambani aya mvumo yekukwidza mitengo yedhata mushure mekunge makambai aya achema chema kuti ainge ari kurasikirwa nemari yakawanda sezvo vanhu vaive vave kufona mahara pamwe nekushandisa madandemutande akaita seWhatsApp, Twitter, Skype nemamwe.

Vati makambani anoti Econet, NetOne neTelecel aitoda kuti hurumende irambidze kushanda kweWhatsAPP, Skype nezvimwe sezvo zvaiatorera mari asi hurumende yakaona kuti izvi hazviite uye ndosaka yakazobvuma kukwidza mitengo yedhata.

Vati sezvo vanoshandisa WhatsApp nezvimwe vachishandisa dhata kukwidza mutengo waro kwaizoita kuti makambani aya awanewo mari kubva pakushandiswa kwedhata.

Kunyange hazvo veEconet vakaudza komiti iyi svondo rapfuura kuti vainge vaderedza mutengo vega mushure mekunge mamwe makambani atadza kukwidza mutengo, VaMandiwanzira vaudza komiti iyi kuti ndivo vakaderedza mutengo uye vati vePotraz vakuongorora kuti chii chingaitwe kuti makambani aya arambe achishanda zvakanaka.

Panyaya yema promotions kana kuderedzwa kwemutengo yedhata zvakanyaya uko kwakamiswa nevePotraz gore rapfuura, VaMandiwanzira vati izvi zvakaitwa nechinangwa chekuona kuti makambani aya ainge ari kurwira vatengi uye zvaikanganisa bhizimisi.

Asi nhengo dzekomiti iyi dzati hapana zvakaipa kana veruzhinji vachibatsirikana nemutengo wakaderera.

Panyaya yekunetsana kwavo nekambani yeEconet, VaMandiwanzira vati ivo segurukota rehurumende vanoshandira munhu wese uyewo vanotsigira makambani ese kusanganisira Econet vachiti ikambani yemuno inobhadhara mutero pamwe nekupinza basa zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda.

Vati kunyange hazvo kambani yeEconet yakaburitsa mashoko ekuvatukurira zvichitevera kuderedzwa kemutengo wedhata, ivo vacharamba vachishanda nekambani iyi.

Zvichakdai sachigaro wePotraz VaOZias Bvute, vati vapedza kugadzira hwaro hwemaPromotions uye vachange vachigara pasi nemakambani kuti vavatsanangurire nezvehwaro uhwu.

VaBvute varambawo mashoko akataurwa nemukuru we|Econet ekuti maPromotions akamiswa mushure mekunge veruzhinji vatanga kushandisa matandemutabde akaita seWhatApp neFacebook panguva yakaparurwa chirongwa che #This Flag naPastor Evan Mawarire gore rapfuura.

Komiti yeparamende iyi iri kuita ongororo iyi nechinangwa chekuda kuona kuti ingadzirise sei kuti mutengo wedhata urambe uri pasi kuitira kuti vanhu vakwanise kushandisa mbozhanhare nemacomputer mumabasa ebudiriro.

Komiti iyi yakatotaura neveEconet, Netone pamwe neTelecel uye ichataura navose vanoita zvedhata isati yatura hwaro rayo kuparamende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG