Accessibility links

Breaking News

Kushanya kuZimbabwe Kwa VaChakwera veMalawi Kunofungirwa Kuve neZvakawanda Mukati


VaLazarus Chakwera

Mutungamiri weMalawi, VaLazarus Chakwera, nezuro vakasangana nemutungamiri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa, kuState House muHarare.

VaChakwera vari kushanya kwemazuva maviri.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti dzinofungira kuti kushanya kwa VaChakwera kune chekuita nemasangano eSADC ne African Union, vachiti masangano maviri aya anogona kuve anoona kusagadzikana kwave mu Mozambique uyevo mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo Zimbabwe ne Malawi dzine hukama kubva nyika mbiri idzi dzisati dzawana kuzvitonga kuzere, vanofunga kuti mamiriro akaita zvinhu mu Mozambique arikunetsa nyika munharaunda yeku chamhembe kwe Africa, naizvozvo dzinoda kuti zvinhu zvigadzikane nekukurumidza mu Zimbabwe.

VaNgwenya vanoti havaoni sekuti VaChakwera vari kungoshanya bedzi pasina chimwe chinhu chikuru chine zvekuita nedzimwe nyika dzemu SADC uye pasina nyaya yemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe nemu Mozambique.

Tatadza kubata munyori mubazi rezvekubudiswa kwe mashoko, VaNick Mangwana, kuti tinzwe divi rehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG