Accessibility links

Breaking News

Hurumende YeMalawi Inoti VaJonathan Moyo Havasi Muhupoteri Munyika Iyi


Muzvinafundo Jonathan Moyo
Muzvinafundo Jonathan Moyo

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko muhurumende yeMalawi VaNicholas Dausi varamba mashoko ekuti vaimbova gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo vari muhupoteri munyika iyi.

VaMoyo neChitatu vainge vari panhepfenyuro yeBBC vachitsoropodza zvikuru hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa vachiti yakatyora bumbiro remutemo wenyika nekubvisa vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pachigaro nechisimba.

Asi mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba vanoti VaMoyo vari kungotaura zvisina maturo semunhu asiri kufara nekuti haachisina simba.

VaMoyo, nevamwe vaive makurukota VaSavior Kasukuwere, VaPatrick Zhuwao uye Muzvare Mandi Chimene vakatiza munyika mushure mekunge VaMugabe vabviswa pachigaro.

Hurumende inoti iri kuda kuti vose vadzoke munyika kuzotongerwa mhosva dzavakapara.

Vaanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Rodrick Machekano avo vati VaMoyo vanenge vari kurwadziwa nekubviswa muhurumende kupfuura VaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG