Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzotyira Kuwanda kweChirwere cheMalaria


malaria Day
malaria Day

Nyanzvi munyaya dzezveutano dziri kuyambira kuti chirwere cheMalatia chingangowedzera zvakanyaya muvanhu nekuda kwemvura zhinji yakanaya gore rino.

Nyanzvi idzi dziri kukurudzirawo kuti vanhu vaende kuzvipatara nekukasika kana vakaona zviratidzo zvekuti vangangodaro vabatwa nechirwere ichi.

Munyori musangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Evans Masitara, vanoti veruzhinji vanofanirwa kumwa mapiritsi ekudzivirira Malaria kana vachishanyira nzvimbo dzinozivikanwa kuti dzine dambudziko reMalaria.

VaMasitara vanoti nekuwanda kwakaita mvura mwaka uno, chirwere cheMalaria chinogona kuwanda.

VaMasitara vanotiwo nekuda kwekuti Malaria chirwere chinouraya, vanhu vakawona vaine zviratidzo zvakadai sekunzwa musoro, kupisa kwemuviri, uye kutonhorwa kana kurutsa, vanofanirwa kukurumidza kuenda kuzvipatara zviri pedyo.

Amai Fortunate Manjoro, avo vanoshanda mubazi rezveutano, vanotiwo nekuda kwemvura yakawanda yakanaya, humhutu hune pekuberekera pakawanda.

Amai Manjoro vanoti hurumende yange yakagadzirira kukwira kweMalaria huye vane mishonga yakakwana.

Asi vanoti pari zvino hurumende haisisina zvekuongororesa chirwere chemalaria (malaria test kits)mumamisha.

Amai Manjoro vanotiwo zvirongwa zvehurumende zvekudzivirira malaria zvakadzorerwawo shure nemafashamu.

Amai Manjoro vanoti kune dzimwe nzvimbo dzine humhutu uko kwaiva kwaiswa mishonga mudzimba, kwavewo nerimwe dambudziko sezvo nekuda kwemafashamu aya, vanhu vakabuda mudzimba idzi.

Mamwe ematunhumunyika ane dambudziko reMalaria anosanganisira Mashonaland Central, Mashonaland East, Manicaland, Matebeleland North, Matabeleland South pamwe neMidlands.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti munhu akatadza kurapwa chirwere che malaria, anogona kufa, kutemwa nemusoro zvakanyanyisa, kubuda dikita akarara husiku, kudedera, kusungikana kwemudumbu, kusashanda zvakanaka kwemoyo, pamwe nekuvhiringika kwepfungwa.

Hurumende iri kutatarika kurwisa chirwere cheMalaria icho chakauraya vanhu zana rine gumi nevanomwe muna 2015, muna 2016 kukafa vanhu makumi matanhatu nevashanu, uye gore rino kwatofa kare vanhu zana rine gumi nevatanhatu.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti rinotarisira kuti nyika zhinji dzinge dzapedza dambudziko remalaria panosvika gore ra2020.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG