Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotarisirwa Kupikisa Mutongo weDare reHigh Court


Zimbabwe young lawyers at Harare High Court
Zimbabwe young lawyers at Harare High Court

Magweta ehurumende ari kutarisirwa mangwanani ano kupikisa mutongo wakaturwa nedare reHigh Court neMugovera wekurasa kushandurwa kwebumbiro remitemo izvo zvaizowedzera makore evatongi vematare edzimhosva ekuti vashande vasati vaenda pamudyandigere.

Gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vakazivisa neSvondo kuburikidza nebepanhau reSunday Mail kuti hurumende ichashandisa kodzero yayo kupikisa mutongo uyu.

Mushure mekunge dare repamusoro rapa mutongo wekuti VaLuke Malaba vaifanira kuenda pamudyandigere nekuti kuwedzerwa kwavo mamwe makore mashanu nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ekuti varambe vari pabasa kutyora bumbiro remitemo, VaZiyambi vakati vatongi vedare repamusoro vainge voshanda nevavengi kuda kukonzera kusagadzikana munyika.

Vatongi vatatu vari kushorwa naVaZiyambi ndiJustice Happias Zhou, Justice Edith Mushore naJustice Jesta Charehwa.

VaZiyambi vakashorawo bato reMDC Alliance nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vachiti vainge vachida kupidigura hurumende.

Studio 7 yakaedza kubata VaZiyambi neSvondo asi vakati vachazopindura mibvunzo yedu neMuvhuro uno sezvo vakange vari panzvimbo yainge isiri kubata nharembozha zvakanaka. Asi vanoongorora zvematongerwo enyika VaFrancis Rusere Chikerema, vanoti hurumende ine kodzero yekupikisa mutongo uyu kuburikidza nekuenda kumatare edzimhosva.

VaChikerema, avo vari kuCanada, vanotiwo nekuda kwekuti vatongi vematare ava vari pasi pehurumende, havaoni vatongi ava vachipa mutongo unpikisana nehurumende pakupikisa kwairi kuita mutongo wedare repamusoro.

Vanga vachipikisa zvakaitwa naVaMnangagwa zvekuwedzera makore ekuti VaMalaba varambe vari pabasa, ndevesangano reYoung Lawyers Association of Zimbabwe, Zimbabwe Human Rights NGO Forum uye murwi wehondo yerusunungunuko, VaFred Mutanda.

Vari kupikisa ava vari kuti VaMalaba havafanirwe kuwana cheuviri pakuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika sezvo zvichityora zvimwe zvikamu zvebumbiro zvinorambidza kuvandudzwa kwemitemo kuitira kuti vatongi vematare vari pabasa, vawane cheuviri kubva mukuvandudzwa kwemitemo yenyika uku.

Hurukuro naVaFrancis Rusere Chikerema
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG