Accessibility links

Breaking News

VaHaruzivishe Vanowanikwa Vaine Mhosva yeKukurudzira Mhirizhonga


VaMakomborero Haruzivishe
VaMakomborero Haruzivishe

Nhengo ye MDC Alliance National Executive Council, VaMakomborero Haruzivishe, vakawanikwa nezuro vaine mhosva yekukuridzira mhirizhonga uye kuramba kuteerera zvaitaurwa nemapurisa.

Izvi zvaitika zuva rimwe chete mushure mekunge hurumende yeAmerica yabudisa gwaro rinoshora kutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Richinyora paTwitter paro, bato reMDC Alliance rinoti kuwanikwa kwaitwa VaHaruzivishe vaine mhosva, ndehumwe humbowo hwekushandiswa kwemitemo sechombo chekushungurudza vanopikisa.

Gweta raVaHaruzivishe uye richishanda ne Zimbabwe Lawyers For Human Rights, VaKossam Ncube, vaudza Studio 7 kuti dare redzimhosva richapa VaHaruzivishe mutongo wavo uzere musi weChipiri, svondo rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi, mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti vanonzwira VaHaruzivishe tsitsi nekuti vari kushandiswa nevanhu vekunze kwenyika.Vati VaHaruzivishe vanotumwa kuita zvinhu zvisingagoni kuitwa nevanhu ava kunyika dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG