Accessibility links

Breaking News

Amai Makarau Vanoti Gadziriro yeSarudzo Iri Kufamba Zvakanaka


Justice Rita Makarau
Justice Rita Makarau

Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau, vanoti vari kutarisira kuti vachapedza hurongwa hwekuganhura nzvimbo dzekuvhotera mukupera kwemwedzi uno.

Izvi zviri kuitwa hazvo kunyangwe hurumende yakapa ZEC mari inosvika zviuru mazana emashora pazviuru mazana mapfumbamwe anodiwa kuita basa iri. ZEC iri kumbopota ichibatsirwa nesangano reUnited Nations nemari neruzivo.

Asi musarudzo dza2013 United Nations, UN, nehurumende yeZimbabwe zvakamborimirana kumuganhu Zimbabwe ichiti UN inoda kupindira zvakanyanya munyaya yesarudzo.

Izvi zvinotevera danho reUN rekuti yaisangoda kupa Zimbabwe mari asi iyo isingatenderwe kuva nechekuita nesarudzo dzcho.

Amai Makarau vanoti vane chivimbo chekuti vachapedza gadziriro sarudzo dza2018 dzisati dzaitwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG