Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi nemusi weChina vakasaina bhiri rekuchengetedzwa kwerunyararo munyika, reMaintenance of Peace and Order Act, MOPA, kuti uve uchive mutemo.
Mutemo uyu uri kutsiwa mutemo wePublic Order and Security Act, POSA, uyo wanga uchishandiswa munyika mushure mekudzikwa muna 2002.
Vakawanda vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevanopikisa hurumende vari kushoropodza mutemo weMOPA uyu vachiufananidza nemutemo waishandiswa munguva yeRhodesia, weLaw and Order Maintenance Act, LOMA, uyo unonzi nevakawanda waidzvanyirira vatema vairwira kodzero dzavo.
Zvimwe zvezvikamu zvinonzi nevamwe zviri mumutemo uyu zvinotyora kodzero dzevanhu zvinosanganisira kurambidzwa kuungana kwevanhu vasina mvumo yemapurisa, kupiwa masimba akawandisa mwemapurisa nemauto, uye kumanikidzwa kwevanhu kutakura zvitupa.
Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemutemo vari vebato reMDC, VaKucaca Phulu, avo vanomirira Nkulumane muparamende, vanoti sebato vanopikisana nemutemo uyu zvikuru sezvo uchimbinyikidza vanhu.
VaPhulu vanoti mutemo uyu unopa masimba akawandisa kumapurisa, uye unorambidza vanhu kuratidzira, iyo inove kodzero iri mubumbiro remitemo yenyika.
Nhengo yeZanu PF Central Committee, VaBelieve Gaule, vaudza Studio 7 kuti mutemo uyu wakanaka chose uye kuvandudzwa kwawo kunoratidza kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yakazvipira kushandura mitemo yose yaidzvinyira vanhu yaishandiswa nehurumende yaVaRobert Mugabe.
Asi izvi zvinopikiswa negweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaMarufu Mandewere, avo vanoti changoshandurwa chete pamutemo uyu mazita, sezvo usina kusiyana nemutemo waishandiswa munguva yeRhodesia naVaIan Smith.
VaMandewere vanoti mutemo uyu unoogona kupikiswa nemagweta kana vamwewo kuburikidza nekuenda kudare repamusorosoro, reConstitutional Court.
Facebook Forum