Accessibility links

Breaking News

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, Vanoti Ndivo Vachiri Mutauriri weBato


VaObert Gutu

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, avo vanonzi vakambomiswa basa, vanoti vacharamba vachitaura vakamirira bato vachiti musangano wakaitwa neChina, hauna kuitwa pachitevedzerwa bumbiro remitemo yebato ravo.

Vachitaura mushure memusangano weNational Council yakaitwa neChina, mutevedzeri wasachigaro weMDC-T, VaMorgen Komichi, vakati VaGutu vakamiswa basa vachipomerwa mhosva yekubiritsa mashoko anopesana negwara remusangano.

Asi VaGutu vati zviri kutaurwa izvi ndezvemugotsi matsuro vachiti bumbiro remitemo harina kutevedzerwa pakaitwa musangano wabuda nechisungo chekumbovamisa basa.

Nokudaro, VaGutu vanoti ndivo vacharamba vachitaura vakamirira bato.

Munyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati havakwanise kutaura nezvenyaya iyi vachiti musangano wakaitwa neChina wakavarambidza kutaura vakamirira bato munyaya dzakadai.

Hatina kukwanisa kutaura naMuzvare Tabitha Khumalo avo vari kunzi ndivo vave kufanobata matomhu aVaGutu kuti tinzwe divi panyaya iyi.

MuMDC-T mune kusawirirana kwekuti ndiyani otora chinzvimbo chevaimbova mutungamiri webato zvichitevera kushayika kwakaita VaMorgan Tsvangirai mwedzi wapera.

Musangano weNational Council wakaitwa neChina wakasarudza VaNelson Chamisa kuve mutungamiri webato azere asi vamwe mubato iri vakaita semutevedzeri wemutungamiri webato, Muzvare Thokozani Khupe, vanoti panofanirwa kuitwa kongiresi yechimbichimbi yekusarudza mutungamiri webato mutsva.

Muzvare Khupe vanoti ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri webato kudzamara vaenda kukongiresi mushure memwedzi gumi nemiviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG