Accessibility links

Breaking News

Ndiyani Akafanobata Chigaro chaVaTsvangirai, VaMudzuri Kana VaChamisa?


Hondo yekuti ndiyani ari kutungamira bato guru rinopikisa munyika, reMDC panguva iyo mutungamiriri waro, VaMorgan Tsvangirai, vari muchipatara kuSouth Africa vachirwara nechiwere chegomarara, iri kuenderera mberi mutauri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vachiti VaNelson Chamisa ndivo vakubata chinzvimbo chaVaTsvangirai icho change chakabatwa naVaElias Mudzuri.

Asi mutauriri webato iri, VaObert Gutu, vanoti sekuziva kwavo VaMudzuri ndivo vachakabata chinzvimbo ichi.

VaTamborinyoka vaudza vatori venhau pamuzinda weMDC-T weHarvest House kuti havawoni kuti sei nyaya yekuti mumwe wevatevedzeri waVaTsvangirai, VaChamisa ndivo vave kubata chinzvimbo chemutungamiri webato iri, yamutsa mutauro sezvo izvi zvisina kuitika apo pakambodomwa vamwe vatevedzeri vavo vanoti

Muzvare Thokozani Khupe naVaMudzuri kuti vabate chinzvimbo ichi.

Zvichitevera kudomwa kynonzi kwakaitwa VaChamisa neChitatu, munyori mukuru webato iri, VaDouglas Mwonzora, vakaburitsawo gwaro raiti VaMudzuri ndivo vange vachakabata chinzvimbo chemutungamiri webato iri.

VaTamborinyoka vakoka musangano wevatori venhau kuti vatsanangure kuti VaChamisa ndivo vakabata chinzvimbo chaVaTsvangirai pari zvino.

Vati vakataura naVaTsvangirai nezuro uye VaChamisa vatotanga basa ravo semutungamiriri weMDC T nhasi apo vasangana nenhengo dzeparamende pamwe nemasachigaro ematunhu ebato ravo.

Asi mutauriri webato iri, VaObert Gutu, vaudza Studio7 kuti chokwadi chaicho ndechekuti VaMudzuri ndivo vakasanobata chinzvimbo chaVaTsvangirai.

VaGutu vati VaMudzuri, avo vari kuSouth Africa naMuzvare Khupe pamwe naVaMwonzora vachadzoka kuHarare neChishanu uye vachaita musangano nevatori venhau kuti vatsanangure mamimiriro akaita zvinhu mubato iri.

VaGutu varamba kutaura nezvemusangano waitwa naVaTamborinyoka nevatori venhau vachiti vakuru vemusangano vachaona kuti zvofambiswa sei.

Ukowo mutauriri wemubatanidzwa wamapato ari muMDC Alliance, VaWelshman Ncube, vaburitsa mashoko ekuti MDC Alliance yakaita chibvumirano chekusapinda musangano uri kupindwa naVaMudzuri, Muzvare Khupe naVaMwonzora kuSouth Africa sezvo vasina kugutsikana nezvinangwa zvawo zvakaita sekudyidzana nechimwe chikwata chemuZanu PF cheG40.

Asi VaGutu vati MDC-T yakakokwa pamusangano uyu zviri pamutemo uye vati havangashupike nevamwe vanhu vari muMDC Alliance avo vati vari kutoda kurarama nekubatana neMDC-T ivo vakatiza mubato iri vachinoumba mapato avo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG