Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Nhaurirano neHurumende Dzakakosha


MDC-T Komichi Presser
MDC-T Komichi Presser

Komiti yepamusoro yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yaita musangano wayo wekupedzisira gore rino ichiongorora zvakaitaika musarudzo ikabuda nezvisungo zvakawanda zvinosanganira kusimbaradza nyaya yekuti paitwe nhaurirano nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa pamwe nekuratidzira kwakasimba munyika yose gore rinouya.

Vachitaura neStudio7 mushure memusangano uyu uyo waitirwa pamuzinda webato iri paMorgan Tsvangirai, mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vati vagara kuti vaongorore nyaya dzesarudzo dzakaitwa munyika gore rino uye kuti vodii sebato kubva panotanga gore.

VaMafume vati vabuda nechisungo chekusimbaradza nyaya yekuti paitwe nhaurirano nehurumende yaVaMnangagwa vachiti Zanu PF haina kukunda zviri pachena musarudzo dzemuna Chikunguru.

Asi vachitaura kumusangano webato ravo wepagore, mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati bato ravo harisi kuzoita nhaurirano neMDC yaVaChamisa kuitira kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe kuti bato ravo rinoda here kuita hurukuro neMDC.

VaMafume vatiwo vabvumirana kuti paite kuratidzira kwakasimba munyika yose gore rinouya.

Vatiwo chimwe chavabvumirana sehutungamiri hwebato ravo ndechekuti vabude negwaro ravari kudaidza kuti Reload rakanangana nekugadzirisa hupfumi hwenyika.

Panyaya yekusawirirana kwehutungamiri mubato ravo, VaMafume varamba kuti vazeya nyaya yemumwe wevatedzeri vaVaChamisa, VaElias Mudzuri, avo vanonzi havasi kupinda misangano iri kudaidzirwa naVaChamisa.

VaMudzuri, avo vakazivisa kuti vachada kukwikwidza chigaro chemutungamri weMDC pakongiresi yebato iri yakatarisirwa gore rinouya, havana kuuya zvakare kumusangano wanhasi.

Vane ruzivo nezvaitika mumusangano uyu vanoti vanoti nyaya iyi yazeyewa mumusangano wanhasi vamwe vachida kuti vadzingwe asi vamwe vachiti havafanire kudzingwa mubato nepamusana pekuti vari kuda kukwikwidza chigaro china VaChamisa pari zvino.

Asi VaMafume vatsika madziro vachiti nyaya iyi haina kuzeyewa.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMudzuri kuti tinzwe kuti sei vasina kupinda mumusangano wanhasi.

Zvinonzi muMDC mune kurwisana kuri kukonzerwa nenyaya yehutungamiri huri kufanira kunosarudzwa kukongiresi yebato iri gore rinouya. Zvinzonziwo kongiresi iyi yave kutarisirwa kuitwa muna Gumiguru wegore rinouya.

Kunyange hazvo mubato iri muine kunetsana, bumbiro rebato iri rinoti zvigaro zvose zvinofanirwa kukwikwidza pakongiresi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG