Accessibility links

Breaking News

Dare Rinopa Mutongo Unoti Vechidiki Vakatora Muzinda weMorgan Tsvangirai House neSvondo Vabviswe


 Harvest House - Morgan Tsvangirai House
Harvest House - Morgan Tsvangirai House

Dare ramejasitiriti muHarare rakatura neChipiri mutongo wekuti bato reMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe ribvise vechidiki vanonzi ndivo vakabvuta muzinda weMorgan Richard Tsvangirai House uri muHarare neSvondo vachiti vanobuda chete mumuzinda uyu kana vakuru vemapato eMDC-T neMDC Alliance iri kutungamirwa naVaNelson Chamisa vatauarirana kuti vashande pamwechete zvakare.

Vechidiki ava vanoti vari kutevera mutongo wedare reSupreme Court wekuti vaive nezvigaro muna 2014 vafambise mabasa muMDC-T, vachiti ndivo vaive pazvigaro gore iri.

Bato reMDC-T pamwe nemunyori mukuru waro, VaDouglas Mwonzora, vakakwira dare neMuvhuro vachikwirira bato reMDC Alliance, VaChamisa, VaPaul Gorekore, VaHappymore Chidziva, VaDenford Ngadziore pamwe nemukuru wemapurisa mudunhu reHarare.

MDC-T yakatora muzinda uyu kubva kuMDC Alliance muna Chikunguru ichibatsirwa nemapurisa.

Mutongi wedare akati vashanu vekutanga vakakwirirwa dare vanofanirwa kudzosera muzinda uyu kuMDC-T, uye vaburitse muhutapwa vanhu vanonzi vakavharirwa mumuzinda uyu. Tabata VaMwonzora kuti tinzwe divi rebato ravo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti vakatoshamiswa nekuona mutongo uyu uchiisawo bato ravo pamwe nemutungamiri wavo VaChamisa mukati sezvo vasineyi nechekuita nezviri kuita pamuzinda weMorgan Richard Tsvangirai House.

VaHlatywayo vanoti vakangonzwawo kuti muzinda uyu wakatorwa nevechidi vaiti ndivo vaive pazvigaro muna 2014 pakaitwa kongiresi yebato iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG