Accessibility links

Breaking News

Kambani yaVaMagaya Inofaindiswa Mazana Manomwe eMadhora


Walter Magaya Leaving Court In Harare After Aguma Case
Walter Magaya Leaving Court In Harare After Aguma Case

Kambani yaProphet Walter Magaya yeProphetic Healing Deliverance Ministries, yeAretha Medical, yawanikwa iine mhosva yekutyora mutemo weMedicines Control Act mushure mekunge Va Magaya vati vainge vawana mushonga unorapa HIV/AIDS, Aguma, gore rapera vasina kutevedza gwara rinodiwa nemutemo.

VaMagaya vabvuma mhosva yekambani yavo uye mutongi wedare, Amai Rumbidza Mugwagwa, vati kambani iyi ibhadhare faindi yemadhora mazana manomwe svondo rino risati rapera.

Vasati vapa mutongo, Amai Mugwagwa vati zvakaitwa naVaMagaya zvekushambadza mushonga weAguma zvakashata chose sezvo zvichikwanisa kukonzera dambudziko guru munyika nekuti vanhu vakawanda vari pachirongwa chemapiritsi anoderedza hukasha weHIV, vanogona kurega kunwa mapiritsi aya.

Vatiwo mukupa mutongo uyu, vatarisa kuti aka ndekekutanga kambani iyi ichityora mutemo uyo, uye kuti yakatokumbira rururegero nekuvimbisa kutevedza mutemo weMedicines Control Act.

Kunyange hazvo vabvuma mhosva yavo, VaMagaya vari kuramba vachiomesa musoro kuti mushonga wavo weAguma wakatoongorwa kumalaboraorties ekuIndia uye unoshanda sekutaura kwavo.

Gweta raVaMagaya, VaEverson Chatambudza, varatidza dare magwaro avanoti anoratidza izvi.

Asi mutongi ati nyaya haisi yekuti mushonga weAguma unoshanda here kana kuti kwete, asi kuti hapana kutevedzwa gwara sezvinodiwa pasi peMedicines Control Act.

VaMagaya varamba kutaura zvakawanda pavabuda mudare vachiti zvavo zvaita.

Munhu watanzi titaure naye naVaMagaya pamusoro penyaya iyi, aramba kutaura nesu.

Munyori wenhau dzehutano uyo ange ari kutevera nyaya iyi kubvira pakusungwa kwaVaMagaya, John Cassim, audza Studio 7 kuti mutongo uyu unobatsira kudzivirira vaye vanoda kusautevedza zvakaitwa naVaMagaya.

Mune imwewo nyaya, mutevedzeri wameya veChitungwiza, VaJabulanzi Mtunzi pamwe nemumwe mugari wekuChitungwiza, VaRochard Miti, avo vakasungwa nemusi weMugovera vamiswa pamberi pedare remajisitereti kuChitungwiza nhasi.

Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga pakuratidzira kwainge kwakarongwa neZimbabwe Congress of Trade Unions masvondo maviri apfuura.

Dare richapa mutongo waro mangwana kuti vaviri ava vobhadhara mari yechibatiso here kana kuti kwete kuti nyaya yavo itongwe vachibva kumba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG