Accessibility links

Breaking News

Madzimai Okurudzira Kuvandudzwa kweMitemo yeKuroorwa kweVasikana kuUnited Nations


Sangano rinorwira kodzero dzevanasikana reKatswe Sisterhood iro riri kupinda mumusangano wakakosha kumuzinda weUnited Nations kuNew York rinoti mitemo yekuroodzwa kwevana vasati vabva zera muZimbabwe inofanira kuvandudzwa kuti ienderane nemutongo wakapihwa nedare repamusoro.

Musangano uyu wakatanga svondo rapera uye uri kuzeya mamiriro akaita magariro emadzimai kana kuti UN Commission On The Status Of Women.

Muzvare Talent Jumo vesangano re Katswe Sisterhood vanoti zvakakosha kuti mitemo iyi ienderane nemitongo yakadayi seiyo yakaturwa nedare repamusoro iro rakati yave mhosva kuroodza mwanasikana asati abva zera.

Mumwe wevasikana vakaendesa nyaya yavo kudare repamusoro Muzvare Ruvimbo Tsopodzi anoti misangano yakadayi yakakosha sezvo ichibatsira kuti nyaya yekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera itaurwe nezvayo pasi rose uye kuti vabereki vawane ruzivo rwekushata kwechiitiko ichi.

Muzvare Tsopodzi vataura izvi pachirongwa chemadzimai cheWomen's Round Table paLiveTalk apo vawanawo rutsigiro kubva kunhengo yedare reparamende yeMDC-T amai Paurina Mpariwa Gwanyanya avo vange vari kumusangano weUN.

Muzvare Jumo vanoti shuwiro yavo ndeyekuti zvakabuda pamusangano uyu zviwanikwewo zvichizogadzoriswa nehurumende dzepasi rose kusanganisira Zimbabwe.

"Isu semasangano anomirira madzimai ange ari pamusangano takabatana tikapa zvisungo zvedu kune gurukota rinowona nezve madzimai munyika Amai Nyasha Chikwinya nemutungamiri we UN Women Amai Phumzile Mlambo Ngcuka kuitira kuti kodzero dzemadzimai nevanasikana dziwanikwe dzichengetedzwa nehurumende dzepasi rose," Muzvare Jumo vaudza Studio7.

Hurukuro NaMuzvare Talent Jumo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG