Accessibility links

Breaking News

Madzimai emuZimbabwe Obatana Nevamwe kuUnited Nations Kuzeya Matambudziko Akatarisana Nawo muNew York


Amai Paurina Mpariwa Gwanyanya
Amai Paurina Mpariwa Gwanyanya

United Nations iri kuenderera mberi nekuzeya matambudziko akatarisana nemadzimai pasi rose kana kuti UN Commision on the Status of Women.

Musangano uyu wakatanga svondo rapera uye uri kupera nemusi weChishanu kumuzinda weUN kuNew York muAmerica.

Nhengo yeparamende inomirira bato re MDC-T kuMufakose Amai Paurina Mpariwa Gwanyanya mumwe wemadzimai ari kumusangano mukuru uri kutarisa nhunha dzemadzimai uyu.

Amai Mpariwa Gwanyanya vanoti vane zvizhinji zvavadzidza pamusangano uyu zvavachada kunoparurira mamwe madzimai ari kumusha pachapera gungano iri.

"Ndadzidza kuti mimwe mitemo yedu munyika yakanangana nenyaya yekuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai nevanasikana inofanirwa kuvandudzwa kuti ienderane nebumbiro remutemo idzwa renyika. Tikatarisa kuti dare guru remunyika rakapa mutongo wekuti kuroodzwa kwevanasikana vasati vabve zera kwave mhosva hapasati pave nemutemo unozadzikisa mutongo uyu munyika," Amai Mpariwa Gwanyanya vaudza Studio7.

Zimbabwe yakamirirwa pamusangano uyu negurokota rinomirira madzimai Amai Nyaya Chikwinya, sachigaro ve Women's Parliamentary Committee Amai Monica Mutsvangwa uye nhengo dzedare reparamende dze kubva kumapato ose ezvematongerwo enyika.

Amai Mpariwa Gwanyanya vanoti mafambiro ari kuita musangano uyu ari kuvafadza zvakanyanya.

"Ndiri kufadzwa ne ruzivo rwatiri kuwana nyanya nzira dzekuyananisa mikana inopihwa madzimai zvingave zviri panyaya yemabhizinesi, nyaya yekuwana mvura yakachena, nyaya yedzidzo nedzimwe nhunha dzinotarisana nevanhukadzi," Amai Mpariwa Gwanyanya vaudza Studio7.

Hurukuro NaAmai Paurina Mpariwa Gwanyanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG