Accessibility links

Breaking News

Mabvuku neTafara Dzoshaya Mvura yeMupombi


Vagari vekuMabvuku neTafara vanoti vari kushushikana zvikuru nekushaya hany’a kwekanzuru yeHarare kuti igadzirise dambudziko ravo rekushaya mvura. Vagari vanoti kushaya mvura uku kuri kukonzera zvirwere zvemidumbu zvisingaperi.

Mumwe mugari wekuOld Tafara, VaCollen Chimuchenga, vati pamba pavo patove nemakore pasingabudi mvura. VaChimuchenga vati kunyange hazvo nguva yareba vachivimbiswa kuti dambudziko remvura iri richagadziriswa, vanoti kusvika pari zvino hapana chati chaitwa.

Mumwe mugari wekuNew Tafara, Amai Matirasa Matemauswa, vatiwo zvinovashungurudza kuti vana vavo havatozivi kuti kune mvura inobuda mupombi dzemvura. Amai Matemauswa vati nekuda kwekushaya mvura uku, mhuri yavo inogarotambura nezvirwere zvemudumbu.

Mumwezve mugari wekuMabvuku, Amai Sandra Kahondo, vatiwo vari kutorarama nemvura yemuzvibhorani asi vachemachema nekushomekwa kwazvo.

Amai Kahondo vati nekuda kwekureba kunenge kwakaita mitsetse vanomanikidzwa kuzochera mvura pakati pehusiku asi vakati dzimwe dzenguva vanosangana nedambudziko rembavha.

Vanomirira Mabvuku Tafara mudare reParamende, VaJames Maridadi, vati nzvimbo yavo yawandisa vanhu kudarika zvaitarisirwa izvo zviri kuita kuti dzimwe nzvimbo dzishaye mvura.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vati vave kukwanisa kupa dzimwe nzvimbo dzekuMabvuku neTafara mvura katatu pasvondo.

VaChideme vatiwo pari zvino Mabvuku neTafara hadzisi kuwana mvura nekuda kwekuti kanzuru ir kuchenesa nzvimbo inochengeterwa mvura inoenda kunzvimbo idzi yePrince Edward Reservoir.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG