Accessibility links

Breaking News

Vagari Voronga Makomiti Asina Rusarura kuLapane


Vatungamiriri veLupane vanoda kuti zverusarura zvibviswe mukuparadzirwa kwebatsiro yezvekudya
Vatungamiriri veLupane vanoda kuti zverusarura zvibviswe mukuparadzirwa kwebatsiro yezvekudya

Vamwe vatungamiriri kuLupane mudunhu reMatabeleland North province vari kutora matanho ekudzivirira rusarura pakugoverwa kwerubatsiro rwechikafu nezvekurimisa pachishandiswa zvematongerwo enyika nekuumba makomiti ebudiriro yemisha nenzvimbo kana kuti Development Committees ayo vanoti achange ave kutungamira mabasa ekupa vanhu zvinhu.

Kanzura weMatshiya Ward 7 kuLupane, VaJune Mpofu, vanoti vari kuita izvi mushure mekuona kuti pane vanhu vakawanda vanokodzera kuwana rubatsiro rwechikafu nembeu vari kunyimwa nekuda kwekuti vanenge vachinzi vari kumapato ezvematongerwo enyika asingafarirwi munzvimbo iyi.

VaMpofu vanoti pari zvino masabhuku ndiwo ari kugovera chifaku nembeu uye ongororo yavakaita yakaratidza kuti mamwe masabhuku ari kuita zvematongerwo enyika uye haasi kupa vanhu zvakaringana.

Vanoti nekuda kwaizvozvo, vave kuumba maVillage nemaWard Development Officers uye vanoti makomiti aya ndiwo achange ave kuita basa iri.

Vanotiwo makomiti aya ndiwo achange ave kutungamirirawo mabasa ebudiriro mumisha nemunharaunda yese.

VaFiso Sibanda vekuNkayi North vanoti zviri kuitwa VaMpofu nevamwe vavo zvakanaka chose sezvo vachiti chero munzvimbo yavo makhadhi emusangano ndiwo anoshandiswa kuti munhu awane rubatsiro rwechikafu kana mbeu kana zvimwe zvekurimisa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi nekuchengetwa zavakanaka kwevanhu, Dr Sekesai Nzenza, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi Dr Nzenza vakaudza dare reNational Assembly mwedzi wapfuura kuti vanhu mamiriyoni maviri nemazana mana vachange vave kuda rubatsiro rwechikafu pakutanga kwegore rinouya uye vazhinji vavo vari kumatunhu eMasvingo, Matabeleland South neMatabeleland North.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG