Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotsvaga Makomishina Matsva eRunyararo neKuregererana


VaObert Gutu
VaObert Gutu

Vanhu vanosvika makumi maviri nevapfumbamwe vari kutarisirwa
kubvunzurudzwa svondo rinouya pachitsvagwa makomishina matsva achange ari mu National Peace and Reconciliation Commission.

Kutsvangwa kwemakomishina masere kuri kuitwa nekuda kwekuti
makomishina anga aripo akapedza temu yawo yemakore mashanu muna
Kukadzi gore rino.

Vamwe vevanhu vachabvudzurudzwa vanosanganisira vaimbove nhengo yebato reMDC T payaifanotungamirwa naMuzvare Thokozane Khupe, VaObert Gutu, avo vakajoina Zanu PF mwedzi wapera pamwe nevaimbove mukuru weZimbabwe Human Rights-ZimRigts-VaOkay Machisa.

VaGutu vanoti zita ravo riripo sezvo vakasarudzwa nemunhu
wavasingazive uye vanoti hapana dambudziko kuve komishina kunyange
vave nhengo yeZanu PF.

VaGutu vanoti zvekuti munhu wezvematongerwo enyika hazvina basa
pamutemo sezvo munhu achizokwanisa kusiya kuve nhengo kana aching agadzwa sakomishina.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatswayo,
vanoti vatungamiri vemuhurumende vanofanirwa kuremekedza makomisheni nebumbiro remitemo nekudoma vanhu vasina nhoroondo yezvekuita zvematongerwo enyika vari mumapato.

Mukuru weZimrights, VaDzikamai Bere, vanoti vanotarisira kuti nhengo
dzichadomwa vange vari vanhu vane nhoroondo munyaya dzerunyararo.

Kunyange hazvo bumbiro remitemo richiti komishina wekomisheni iyi anofanirwa kunge asina bato raakarerekera, rinopa mukana wekuti kana nhengo yebato yadomwa kuve komishina, inosiya chigaro chayo chezvematongerwo enyika kubato rake.

Sachigaro weNPRC, Justice Sello Nare, vacharamba vari pachigaro chavo, sezvo nguva yetemu yavo isati yapera.

Mutemo unoti makomishina mana anofanirwa kunge ari madzimai.

Madzimai gumi nemumwe chete, ayo anosanganisira Amai Patience Chiradza, Amai Nomaqhawe Gwere, Amai Elizabeth Mandiwoma, Amai Mildred Mushunje, Amai Marilyn Mutshina nevamwe, vachabvunzurudzwawo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG