Accessibility links

Breaking News

Zvipangamazano Zvoyeza reMangwana reZimbabwe


Doctor Rhoderick Machekano, Doctor Tawuya Katso na Ambassador Harry Thomas Junior
Doctor Rhoderick Machekano, Doctor Tawuya Katso na Ambassador Harry Thomas Junior

Studio7 yaita neChina hurukuro pamusoro pezviri kuitika muZimbabwe pakatariswa sarudzo dzegore rinouya.

Vataura pamusangano waitirwa pamuzinda we Voice of America mu Washington DC vanosanganisira Doctor Chipo Dendere, avo vanodzidzisa pachikoro chepamusoro soro mudunhu re Pennsylvania, Doctor Rhoderick Machekano, avo vanoshanda vari mu Washington DC, chipangamazano munyaya dzebudiriro, Doctor Tawuya Katso, pamwe nemumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry Thomas.

Musangano uyu wavhurwa zviri pamutemo nemukuru we Voice of America, Amai Amanda Bennett.

Hurukuro idzi dzange dzichikokerwa naBlessing Zulu.

Vachitaura pamusangano uyu, Ambassador Thomas vati America icharamba ichidyidzana neZimbabwe. Vati nyika yavo iri kuvaka muzinda mutsva muHarare uyo uchadya mari inodarika mazana maviri emamiriyoni emadhora.

Vatiwo America iri kubatsira Zimbabwe nemari yemishonga, chikafu, budiriro pamwe nekuendesa vana kuzvikoro zvepamusoro soro mu America, zvinosanganira Harvard University.

Doctor Dendera vatiwo remangwana reZimbabwe riri parumana nzombe sezvo zvinhu zvisina kunyatsojeka kuti Zimbabwe ichamira seyi mushure mesarudzo. Vati mapato anopikisa anogona kukunda, izvo vati havasi kunyatsotarisira.

Vatiwo Zanu PF inogona kukunda musarudzo idzi, zvinhu zvoramba zvichioma semaomero azvakaita pari zvino.

Doctor Machekano vati sangano ravo re Zimbabwe Diaspora Network North America rine hurongwa hwekuti vari kunze kwenyika vabatane mukusimudzira nyika yavo.

Vakurudzira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvitaure nezwi rimwe chete kuitira kuti zvido zvave zvitambirwe zvine mutsindo.

Vachitaurawo pamusangano uyu, Doctor Katso vatiwo hurumende iri kutonga yauraya nyika nokudaro vanotarisira kuti munyika muve nehutungamiri hutsva hune gwara rinogadzirisa zvinhu zviri kunetsa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG