Accessibility links

Breaking News

Lockdown Inowedzerwa Zvakare neMamwe Masvondo Maviri


FILE - Police patrol during a 21-day nationwide lockdown called to help curb the spread of coronavirus disease, in Harare, Zimbabwe, April 3, 2020.
FILE - Police patrol during a 21-day nationwide lockdown called to help curb the spread of coronavirus disease, in Harare, Zimbabwe, April 3, 2020.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nezuro vakazivisa nyika kuti lockdown iriko ichaenderera mberi kwemamwe masvondo maviri nekuda kwekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nekufa nechirwere cheCovid-19.

Vachiwedzera nguva yeLockdown nemasvondo maviri, VaMnangagwa vakati vari kutarisira kubaya nhomba vanhu miriyoni imwe chete munguva yeLockdown.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti chinenge chiri chinhu chakanaka kuti hurumende ibaye vanhu vakawanda sekutaura kwaVaMnangagwa asi dzinoti izvi zvinoreva kuti vanhu zviuru makumi manomwe nechimwe, 71,000, vanofanirwa kunge vachibaiwa pazuva rega rega pamasvondo maviri aya

VaMnangagwa vakatiwo chirongwa chekubaya nhomba ichi chiri kufamba zvakanaka munyika

VaMnangagwa vakazivisawo nyika kuti ongororo dziri kuitwa munyika dzinoratidza kuti zvikamu makumi masere kubva muzana vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 chemhando yeDelta iyo yakatangira kuIndia.

Mutungamiri wenyika akakurudzirawo kuti vanhu vatevedzere zvese zvinokurudzirwa neWorld Health Organisation kudzivirira kutapurirana Covid -19 kusanganisira kupfeka mamasiki, kuchenesa maoko pamwe nekusaungana.

VaMnangagwa vakatiwo vanhu vanofanirwa kuva vashoma pamabasa vakatiwo mapurisa achange achiona kuti mitemo yelockdown yaremekedzwa kusanganisira kusafamba kweveruzhinji pakati pemaguta. Vakatiwo vese vanotyora mitemo yeLockdown vacharangwa zvakaomarara.

Asi munyori wezvehutano muMDC Alliance, uye vakambove gurukorta rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Doctor Henry Madzorera, vati VaMnangagwa havana kutaura zvimwe zvinhu zvakakosha zvekuti hurumende ichabatsira sei vanotambura panguva iyo vanhu vasiri kukwanisa kushanda zvakakwana.

VaMadzorera vatiwo zvanga zvakakosha kuti mutungamiriri wenyika audze nyika kuti nhomba dziri kubaiwa munyika dziri kushanda zvakanaka here zvichitevera kufa kweavo vanenge vabaiwa nhomba dzese.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu makumi matatu nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pazviuru zviviri nemazana maviri nemakumi manomwe nevana.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vave zviuru makumi manomwe nezvitatu nemazana maviri nemakumi manomwe nemumwe chete, 73,271, zvichitevera kubatwa kwevanhu zviuru zviviri nemazana masere nemakumi mana nevashanu 2845 nezuro wakare.

Kusvika nezuro, hurumende inoti vanhu vabaiwa nhomba yekutanga vakange vave zviuru mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nezvishanu nemazana matanhatu nemakumi mashanu nevatanhatu, 955, 656

Vanhu vabaiwa nhomba yepiri vave zviuru mazana matanhatu negumi nezvipfumbamwe nemazana masere nemakumi masere nevatatu, 619,883.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhuta kubva muzana kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG