Accessibility links

Breaking News

VaNyikayaramba Vanoradzikwa kuHeroes Acre VaMnangagwa Vachirumbidza Basa Ravakaita


Pallbearers stand next to the coffins of three top government officials prior to their burial, at the National Heroes Acre in Harare, Wednesday, Jan. 27, 2021.
Pallbearers stand next to the coffins of three top government officials prior to their burial, at the National Heroes Acre in Harare, Wednesday, Jan. 27, 2021.

Vanga vari mumiriri weZimbabwe kuMozambique, VaDouglas Nyikaramba, varadzikwa segamba rehondo yerusununguko kuHeroes Acre muHarare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti kunyange hazvo hurumende iri kuzobaya vanhu nhomba dzeCovid-19, vanhu vanofanira kuramba vachitevedzera nzira dzekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Vachitaura pakuradzikwa kwaVaNyikayaramba, VaMnangagwa vati kunyange hazvo hurumende iri kuzobaya vanhu pachena nhomba yekudzivirira Covid-19, vanhu vanofanira kuramba vachitevedza kurudziro yeWorld Health Organisation yekupfeka mamasiki, kugeza maoko, uye kugara vanhu vasina kuungana nezvimwe.

Vatenda China nekubatsira Zimbabwe nenhomba yeCovid-19 vakayemurawo Russia, India neUnited Kingdom nekuita zvimwezvo panguva ino apo dzimwe nyika nemakambani vari kuomesera vari kuda kutenga nhomba dzeCovid-19.

VaMnangagwa vatsanangura mushakabvu semunhu akaita basa guru pakusungungura Zimbabwe uyewo akashanda zvakasimba nyika yasununguka semusoja kudzamara vasiya basa mu2019 vachienda pachigaro chavashaya vainacho.

Vatiwo VaNyikayaramba munhu akaita basa guru pazvirongwa zvakaita seCommand Agriculture neMaguta uye vati vashaya vave kumhanyisa chirongwa chehurumende yavo chekugadzirisa hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika.

VaMnangagwa vashora zvirango zvakatemerwa Zimbabwe vachiti zvirango izvi hazvisi kuuzodzorera nyika kumashure.

VaMnangagwa vati VaNyikaramba vakawana mamhenduru akawanda vari muchiuto unove mucherechedzo wekuti vaigona basa ravo.

Asi kunyange hazvo VaMnangagwa nevamwe vebato ravo reZanu PF vachirumbidza mushakabvu, vemapato anopikisa vati vanovarangarira nenyaya dzemhirizhonga pamwe nekubira sarudzo.

Mutevedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa reMDC Alliance, VaClifford Hlatzwayo, vaudza Studio 7 kuti mushakabvu ndemumwe wemauto akashungurudza vatsigiri vebato ravo zvakanyanya.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika, vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo zvichinzi wafa wanaka pachivanhu, munhu haanakiri vanhu vese.

VaNyikayaramba, avo vaizivikanwa nezita rekuti Blessing Muhondo munguva yehondo, vakashaya nemusi weChipiri mushure mekubatwa nechirwere cheCovid-19.

Vashaya vava nemakore makumi matanhatu nerimwe.

VaNyikayaramba vakaenda kuhondo muna 1977 mushure mekudimburira zvidzidzo zvavo panzira paNyamuzuwe Secondary.

Vaita gamba rechitanhatu kuvigwa paHeroes Acre mukati memauva makumi matatu.

Kunze kwaVaMorton Malianga mamwe magamba mana anoti VaSibusiso Moyo, VaBiggie Joel Matiza, Dr Ellen Gwaradzimba naVaParadzai Zimondi akashaya mushure mekubatwa neCovid-19.

Denda reCovid-19 rakauraya vanhu gumi nemumwe chete nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pachiuru nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevatatu, 1393.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vava zviuru makumi matatu nezvishanu nemakumi mana nevashanu, kana kuti 35045, zvichitevera kubatwa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevatanhatu nezuro.

Vanhu vapora kuchirwere ichi munyika yose vava zviuru makumi maviri nezvipfumbamwe nemazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nevapfumbamwe, 29 959, uye vachiri kurwara vava zviuru zvitatu nemazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nevatatu, 3693.

Hurumende inoti ichatanga kubaya vanhu nhomba yeCovid-19 svondo rinouya mushure mekunge nhomba yeCovid-19 yapinda munyika nemusi weMuvhuro ichibva kuChina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG