Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeParamende Dzonwa Mushonga Unodzivirira Korera


MDC Legislator, Thabitha Khumalo.
MDC Legislator, Thabitha Khumalo.

Nhengo dzeparamende dzapihwa mishonga yekudzivirira korera senzira yekukurudzira kuti vaparidze kunzvimbo dzavo nyaya yekudzivirira chirwere chekorera.

Mukuru anoona nezvezvirwere zvekutapurirana mubazi rezvehutano, Dr Portia Manangazira, vaudza Studio7, kuti vafara chose kuti nhengo dzeparamende dzange dzichida kuziva pamusoro pekorera nezvimwe zvirwere zvemudumbu.

Vatiwo vanovimba kuti nhengo dzeparamende dzichavabatsira kusvitsa mharidzo yavo kumachechi anorambidza nhengo dzawo kuti dzinwe mishonga yekudzivirira zvirwere.

Imwe nhengo yeparamende zvakare vari sachigaro weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Muzvare Tabitah Khumalo, vaudza Studio7 kuti vachakurudzira vanhu munharaunda dzavo kuti vaitewo sazvavaita nhasi.

Mumiriri weMbizo, VaSettlement Chikwinya, vatiwo vatora mushonga senzira yekukurudzira vanhu vemunzvimbo kuti vazvidzivirire kukorera.

Nynzvi munyaya dzehutano dziri kukurudzira veruzhinji kuti vamwe mushonga wekudzivirira korera, uyo uri kupihwa pachena.

Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rechirwere chekorera icho chinorapika nyore.

Chirwere ichi chakauraya vanhu vanodarika zviuru zvina muna 2008, uye vanhu vanodarika zviuru makumi mapfumamwe vakabatwa nechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG