Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeParamende Dzinotora Mhiko Dzichivimbisa Kushandira Zvido zveVanhu


Nhengo dzeparamende dzakakunda musarudzo dzegore rino nhasi dzatora mhiko yekutanga basa dzichivimbisa kuti dzichadzika mitemo inosimudzira magariro everuzhinji munyika pamwe nekuvandudza mitemo yese kuitira kuti ienderane nebumbiro remitemo yenyika.

Nhengo zhinji dzeparamende dzaudza Studio7 kuti dzinofara chose nekusarudzwa kupinda mudare reparamende uye dzavimbisa kuti dzichaita zvese zvadzaivimbisa vanhu.

Mumiri weMazowe South muNational Assembly, VaFortune Chasi veZanu PF, vati shuviro yavo ndeyekuti mitemo yese ivandudzwe kuitira kuti ienderane nebumbiro remitemo.

Mumiri weMt Pleasant, VaSamuel Banda veMDC Alliance, vatiwo nyika inofanira kuva nemitemo inobata vanhu vese zvakaenzana zvisine kuti munhu ndewebato ripi.

Mumiri weHarare West vari nhengo yeMDC Alliance, Muzvare Joana Mamombe, vaudza Studio7 kuti shuviro yavo ndeyekuti nhengo dzeparamende kubva kumapato ese, dzishande pamwe mukudzika mitemo nekuita basa rinobatsira mwana wese weZimbabwe.

Mumiriri weGokwe-Nembudziya muNational Assembly, VaJustice Mayor Wadyajena veZanu PF, vaudza Studio7 kuti vanoda kushanda vasingatyityidzirwe nemakurukota ehurumende sezvaiitika muparamende yapfuura.

Nhengo yeZanu PF, VaJoseph Chinotimba vekuBuhera South, vanoti vachashanda zvakasimbamukusimudzira vanhu vemudunhu ravo uye vatiwo vanoda kuti Studio7 ichitanga kutepfunyura iri muZimbabwe.

Mumiri weGutu North, Amai Yeukai SimbanegaviveZanu PF, vaudza Studio 7 kuti vachaedza pese pavanongona napo kuti vanhu vemunzvimbo yavo vawane mabasa.

Paramende yagara ichionekwa seisina simba uye ichimanikidzwa kuitwa zvese zvese nemutungamiriri wenyika kana makurukota ake.

Asi VaSettlement Chikwinyawa veMDC Alliance vachimirira Mbizo vati izvi hazvisi kuzoitika rwendo rwuno.

Munyori weparamende, VaKennedy Chokuda, vagadza nhengo dzese mazana maviri nemakumi manomwe dzedare reNational Assembly nenhengo makumi masere dzeseneti.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson MNangagwa, vanotarisirwa kudomwa nhengo shanu kudare reseneti uye svondo rapfuura vakatodoma vatevedzeri vavo vaviri zvinoreva kuti vasarirwa kudoma nhengo nhatu chete.

Matare maviri eparamende aya achagara svondo rinouya kuti asarudze mutauriri weNational Assembly pamwe nemutungamiri wedare reSenate.

Pane nzvimbo dzinodarika makumi matatu dzeNational Assembly dziri kupikiswa neMDC Alliance mudare reElectoral Court, zvekuti vari kupikisa ava vakabudirira, vamwe vatoreswa mhiko nhasi vanorasikirwa nenzvimbo dzavo mudare iri, vanenge vanzi vakunda vachitoreswa mhiko yekuti vave nhengo dzedare iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG