Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzira VaMnangagwa naVaChamisa Kubatana


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Zimbabwe yasvitsa neMugovera makore makumi matatu nerimwe kubva musi wanyoreranwa chibvumirano chekubatana pakati pevaimbove mutungamiri we Zanu PF, Va Robert Mugabe, nevaimbove mutungamiri we PF Zapu, muchakabvu Joshua Nkomo.

MUGABE NKOMO 1978
MUGABE NKOMO 1978

Mushure mechibvumirano ichi, vaviri ava vakabva vaita hurumende itsva pasi pebato rimwe chete re Zanu PF.

Apo vanhu vakawanda vari kurangarira zuva iri, vamwe vagari wemuChinhoyi vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanirwawo kubatana nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, senzira yekurangarira zvakatangwa naVaMugabe naVaNkomo.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaNicholas Moyo, vanoti kana vatungamiri vanhasi vachikoshesa kubatana sezvakaitwa nemushakabvu VaJoshua Nkomo nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanirwa kubatana.

VaMoyo vanoti kana kubatana kwakashanda nguva yakare, kunofanirwawo kushanda zvakare nguva ino.

VaNathan Gava, avo vanga vakanganwa kuti nhasi izororo reUnity Day, vanoti kubatana uku kwanga kwakanakira bato reZanu PF, asi hakuna kumbotambirwa neveruzhinji.

Asi VaGava vanotiwo kubatana kwakaitwa nguva yaVaNkomo naVaMugabe kwakayamura vanhu nguva iyoyo nekudaro kubatana kwanhasi kunogona kunakira nyika sezvo vanhu vari kutambura nepamusana pehupfumi husina kumira zvakanaka.

Mumwe mugari, VaTapiwa Munyuki, vanoti zororo ranhasi rinofanirwa kurangarirwa vachiti rinofanirwa kuvandudzwa nekubatana kwevatungamiri vanhasi.

Mumwe wevakarwa hondo vari kudivi reZIPRA, Captain Mavhura, vanoti kubatana kwaVaMugabe naVaNkomo hakuna kubatsira veruzhinji sezvo kwaiva kwekumisa hondo yemarudzi chete.

Mutauri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vanoti chibvumirano chakaitwa pakati paVaNkomo naVaMugabe chinofanirwa kuremekedzwa zvakasimba.

Mumashoko avo kuvatori venhau, VaKhaya Moyo vanoti chibvumirano ichi chakaparura kubatana kwevanhu vose munyika yose.

Abatsha abakubandla leZanu PF bafuna kuxotshwe uMnu. Simon Khaya Moyo.
Abatsha abakubandla leZanu PF bafuna kuxotshwe uMnu. Simon Khaya Moyo.

Gore rino rava rechimakumi matatu nerimwe kubva pakanyoreranwa chibvumirano ichi muna 1987.

Chibvumirano ichi chakaitwa mushure mekudeuka kweropa rakawanda mumatunhu eMatabeleland neMidlands – uko kunodaidzwa kuti Gukurahundi.

Vanhu vanodarika makumi maviri ezviuru vanonzi vakafa munguva yeGukurahundi. Hurumende yakagadza makomisheni ekutsvakurudza zvakaitika, asi zvakabuda mutsagiridzo idzi hazvina kuziviswa veruzhinji.

Hama dzevanhu vakafa munguva iyi dzinoti dzinoda kuti hurumende ikumbire ruregerero, uye kuti varipwe. Zvose izvi hazvisati zvaitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG