Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanovhara Musangano weZanu PF Vachivimbisa Kukunda Musarudzo Dzichaitwa Muna 2023


VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vavhara nhasi musangano webato ravo wepagore kuBindura vachiti Zanu PF yakasimba uye icharamba ichitsigira vana veZimbabwe pane zvese zvavanoda.

VaMnangagwa vati Zanu PF iri kuenderera mberi nezvirongwa zvayo zvekuvaka nyika uye ichitsigira vane veZimbabwe pane zvose zvavanoda.

Vati musangano wegore rino wabuda nezvisungo zvakawanda zvino sanganisira kugadzira migwagwa, kuvaka zvikoro, nezvimwe uye vanoda kuti vana veZimbabwe vararame hupenyu hwakanaka.

Vati Zanu PF inoda kuti nyika iite sarudzo dzakachena uye sarudzo dzemubato ravo dzinofanira kuitwa zvakachena kana nyika ichifanira kuita sarudzo dzakachena.

VaMnangagwa vati Zanu PF yatotanga rwendo rwekukunda musarudzo dza2023 uye sarudzo idzi hadzifaniri kutomboita gakava nekuti vachakunda zvine mutsindo.

Vati musangano wavo wabuda nezvisungo zvinofanira kutevedzwa nehurumende mubhajeti rayo regore rino.

Vati vanofara chose kuti vakakokwa kumusangano wezvekushanduka kwemamiriro ekunze uri kuitwa kuGlasgow kutanga mangwana uko vati vachasangana nevatungamiriri venyika dzakaita seBritain, India nedzimwe.

Rwendo rwaVaMnangagwa mangwana runoitika mushure memamakore anodarika makumi maviri pasina mutungamiriri weZimbabwe aenda kuEurope nekuda kwezvirango zvehupfumi zvavakatemerwa nevamwe vavo nekuda kwekutyora kodzero deavanhu, kuita sarudzo dzakasviba nezvimwe.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika uye vachidzidzisa pa University of Zimbabwe, Dr Pedzisayi Ruhanyavaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa havafaniri kufarira kuenda kuGlasgow chete asi kuuya nezvinhu zvinobatisra nyika.

Panyaya yesarudzo, VaRuhanya vati bato re Zanu PF rinofanira kubuda pachena kuti richakunda sei iro richatadza kuita sarudza dzakachena mubato iri.

Zvimwe zvisungo zvabuba mumusangano wanhasi ndezekuti VaMnangagwa ndivo vachimirira Zanu PF musarudzo dzemutungamiri wenyika muna 2023 uye kuti Zanu PF ndiro bato chete rinokwanisa kumirira vana veZimbabwe.

Kunyange hazvo Zanu PF yabuda nechisungo chakadai, kune vamwe mubato vari kuti VaMnangagwa havafanirwe kukwikwidza musarudzo dza 2023 sezvo vachembera vachiti Zanu PF inofanirwa kumirirwa musarudzo yemutungamiri wenyika nemunhu asati achembera.

Mubato iri mune kudhonzerana masimba vamwe vachitsigira mutevedzeri waVaMnangagwa, VaConstantino Chiwenga vamwe vachitsigira ivo VaMNangagwa.

Imwe nhengo yeZanu PF, VaSybeth Musengezi, vakatokwidza nyaya yavo kumatare vachiti VaMnangagwa havana kusarudzwa zviri pamutemo webato kuti vatungamire Zanu PF. Dare harisati rapa mutongo waro panyaya iyi.

Imwe nhengo yeZanu PF uye vari muzvinabhizinesi, VaCaleb Dengu, vakaburitsa bhuku rinotaura pamusoro penyaya yekuti VaMnangagwa vasakwikwidza musarudzo dza2023, vachiti vava mukweguri.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaMike Bimha, vatiwo musangano wanhasi waita chisungo chekurwisa huwori.

Vatiwo Zanu PF yava kuumba mapazi kunze kwenyika kana kuti maDiaspora branches.

Musangano weZanu PF National uyu wapera nhasi kuBindura kuMashonaland Central.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG