Accessibility links

Breaking News

Magweta Oronga Kupikisa Kuvandudzwa Kwakaitwa Bumbiro reMitemo yeNyika


Tendai Biti
Tendai Biti

Magweta ane mukurumbira munyika pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira ari kuronga kuendesa hurumende kumatare achipikisa matanho akatorwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekusaina Constitutional Amendment Bill No. 2 kuti rive mutemo, achiti zvakaitwa izvi zvinotyora bumbiro remitemo yenyika.

Magweta aya nemasangano akazvimirira ari kuita chipatapata kunyora magwaro ekupikisa zvakaitwa naVaMnangagwa mushure mekunge dare reSenate rapasisa bhiri iri nemusi weChipiri.

Magweta ataura neStudio7 anoti magwaro ekupikisa aya achasvitswa mumatare edzimhosva chero nguva kutanga nemusi weMuvhuro mushure mekunge hurumende yadhinda mutemo uyu uye waburitswa zviri pamutemo muGovernment Gazette.

Mukuru wesangano rinomirira masangano akazvimirira reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaMusa Kika, vati vari kushanda nemamwe masangano anova nhengo dzavo akaita seVeritas pamwe nemagweta anosanganisira mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, pamwe negweta remutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chmaiswa, VaThabani Mpofu nemamwe magweta ane mukurumbira munyika kuitira kuti varuke nyaya yakasimba yekupikisa zvakaitika pabjiri iri.

VaKika vati vari kukwidza nyaya iyi kumatare sezvo vanhu vange
vakatarisira kuti bumbiro remitemo rizadziswe kutanga muna 2023 sezviri mubumbiro iri, kwete kuti rishandurwe nevanhu vasina masimba ekuita izvi.

Mutauriri wesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda,vati magweta avo ari kugadzirira kupikisa zvakaitwa nedare reSenate pamwe naVaMnangagwa vachiti zvinotyora bumbiro remitemo yenyika.

Mukuru werimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights, VaDzikamai Bere, vatiwo vachaenda kumatare vachipikisa
kugadzwa kwemutemo uyo vanoti unokurudzira hutongi wehumbimbindoga.

Asi VaBere vati zvakakosha kuti zvizvarwa zvose zveZimbabwe zviite zvazvinokwanisa senzira yekuratidza kutsutsumwa kwazvo nemutemo uyu.

Mutauriri wesangano ravana chipangamazano munyaya dzemitemo, reVeritas, VaValentine Maponga, vabvuma kuti ichokwadi kuti sangano ravo riri kuendesa kumatare nyaya yekupasiswa kweConstitutional Amendment Number 2.

Munyori wezvemutemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vati ikodzero yemunhu wose kuenda kumatare kana paine zvaanofunga kuti hazvina kufambiswa zvakanaka sezviri kuda kuitwa nemasangano aya.

Asi VaMangwana vati masangano aya ari kuteya nzou neriva sezvo
asingabudirire nekuti paramende yakatevedzera mutemo sezvinodikanwa.

Nyanzvi munyaya dzemitemo uye vari mutungamiri weNational Constitutional Assembly, Professor Lovemore Madhuku, vanoti kubudirira kwenyaya yekuendesa hurumende kumatare kunoenderana nekuti zvikonzero zvavo zvine hudzanu here kana kuti kwete pamberi pedare.

VaMadhuku vanoti vari kuenda kumatare vanofanirwa kuziva kuti kumatare uku ndiko kune vatongi vanowana chouviri kuburikidza nemutemo mutsva uyu.

Sachigaro veCrisis in Zimbabwe Coalition, VaRashid Mahiya, vati sangano ravo rine hurongwa hwekuratidzira kusafara kwaro nezvakaitika pamutemo mutsva uyu.

Bepanhau repaindaneti, re The NewsHawks, rinotiwo magweta ari kuenda kumatare aya ari kuda kushandisa chikamu chebumbiro remitemo che Section 328, icho chinosungira kutanga chashandurwa mushure mereferendamu kuti chivandudzwe, izvo zvisina kuitwa.

Mutemo uyu unopa VaMnangagwa masimba ekuwedzera makore ekushanda evatongi vematare edzimhosva kubva pamakore makumi manomwe avaifanirwa kuenda pamudyandigere.

The NewsHawks rinoti mitemo iyi yakavandudzwa kuitira kusimbaradza masimba aVaMnangagwa kuitira kuti varambe vari panyanga panoitwa sarudzo muna 2023.

Musarudzo idzi, VaMnangagwa vava nemasimba ekusarudza mutevedzeri wavo zvichitevera kuvandudzwa kwebumbiro iri, iro raisungira kuti mutevedzeri wavo ange achisarudzwa neveruzhinji kuitira kuti mutungamiri wenyika asawana masimba ekudzinga mutevedzeri wake pamadiro, sekudzingwa kwakaitwa ivo VaMnangagwa namushakabvu, VaRobert Mugabe, muna 2017, izvo zvakaita kuti vabude munyika zvisiri pamutemo vachitiza.

VaMnangagwa vakazodzekera munyika mushure mekunge mauto amanikidza VaMugabe kusiya basa.

Mukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaLuke Malaba, vanga
vachifanirwa kuenda pamudyangigere musi wa 15 Chivabvu apo vanosvitsa makore makumi manomwe.

Sezvo mutemo uyu wava kushanda, VaMnangagwa vari kutarisirwa kudoma zvakare VaMalaba semukuru wevatongi vematare kwemakore mashanu anotevera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG