Accessibility links

Breaking News

Magweta aVaKika Anoti Haasi Kugutsikana neMutongo Wakachenura VaMalaba neMusi weChina


VaLuke Malaba

Magweta emukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Dr Musa Kika, anoti ari kuronga kupikisa mutongo wakapihwa nedare repamusoro nezuro wekuti mukuru wevatongi, Chief Justice Malaba, havana kuzvidza dare apo vakadzokera kudare mushure memumwe mutongo wedare iri wakati vaende pamudyandigere.

Rimwe remagweta ari kumirira VaKika, VaWilbert Mandinde, vaudza Studio7 kuti havana kugutsikana nemutongo wanezuro nekudaro vachiri kuuongorora kuti voupikisa here kana kuti kwete.

Asi vati vaisa chikumbiro kudare chekuti mutongo wakaendesa VaMalaba pamudyandigere wemusi wa15 urambe uchishanda kudzamara dare reSupreme Court ranzwa chikumbiro chaVaMalaba chekuti mutongo uyu uyu uiswe parutivi.

Nyaya yaVaMalaba yatsviriridza munyika uye pane nyaya dzakawanda kumatare dzekuti vasiye basa nedzimwe dziri kupikisa mutemo wakashandiswa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa kuwedzera nguva yavo pabasa weeConstitutional Amendment Number 2 Act.

Gweta rinorwira kodzera dzevanhu VaMarufu Mandevera vaudza Studio 7 VaMalaba vachagara vari mutare pachinhambo chekuti vagare vachitonga nyaya.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vaudza Studio 7 kuti zvave pachena kuti gakava pamusoro paVaMalaba harisiriri rezvemutemo asi kuti rave rezvematongerwo enyika.

Asi nezuro gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vakuadza Studio 7 kuti mutongo wanezuro unoratidza kuti matare anoshanda akazvimirira.

Mwedzi wapfuura, VaKika nevamwe vanosanganisira magweta echidiki vakaenda kudare reHigh Court nechikumbiro chekuti VaMalaba nevatongi vese vematare eConstitutional Court neSupreme Court vasawedzerwe nguva pabasa kana vachinge vasvika makore makumi manomwe.

Vatongi vatatu vedare iri vachitungamirwa naJustice Happias Zhou vakabvumirana naVaKika nevamwe vavo izvo zvakaendese VaMalaba pamudyandigere kunyange hazvo VaMnangawa vainge vawedzera nguva yaVaMalaba pabasa nemamwe makore mashanu vachishandisa Constitutional Amendment Number 2 Act.

Asi VaMalaba vakapikisa mutongo uyu kuSupreme Court ndokubva vadzoka kubasa.

Izvi ndizvo zvakaita kuti VaKika vadzokere kudare zvakare vahiti VaMalaba vasungwe nemhosva yekuzvidza dare.

Asi dare reHigh Court rakati hapana mhosva yakaparwa naVaMalaba richiti kuenda kwakaita VaMalaba kudare reSupreme Court vachipikisa mutongo wa Chivabvu 15 kwakabva kwaisa parutivi mutongo waJustice Zhou nevamwe vavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG