Accessibility links

Breaking News

Madzishe Oendeswa kuMatare eDzimhosva


Dare Guru reDzimhosva reZimbabwe

Magweta anorwira kodzero dzevanhu, eZimbabwe Lawyers For Human Rights, akaenda kudare guru redzimhosva muMasvingo nenyaya yekuti madzishe aregere kutsigira mapato ezvematongerwo enyika.

Danho iri rakatorwa mushure mekunge mutungamiri webato rinopikisa reRenewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Mangoma, vaudza magweta aya kuti vanoda kuenda kumatare edzimhosva nenyaya iyi.

Gweta reZLHR riri kufambisa nyaya iyi kumatare, VaLizwe Jamela, vanoti mutemo wenyika unorambidza madzishe kupinda munyaya dzezvamatongerwo enyika uri pachena.

“Kana mukatarisa bumbiro remutemo wedu paSection 281, ndipo panotaurwa zvinofanira kuve zvichiitwa nevakuru venyika, madzishe. Panotaura kuti havafanire kuva nengo dzemapato ezvematongerwo enyika,” vadaro VaJamela

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG