Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika kuMatare Zvave Zvekuda Kurwadzisana - ZLHR


Kumbirai Mafunda from the Zimbabwe Lawyers for Human Rights.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu rinoti harisi kufara nemabatirwo ari kuitwa nyaya iri kupomerwa mutungamiri we Zimbabwe National sStudents Union, Va Takudzwa Ngadziore, avo vakasungwa nemusi weChina vachiratidzira pamuzinda wekambani ye Impala Car Rental, iyo ine motokari yakashandiswa mukupamba mudzidzi wepaMidlands State University, Tawanda Muchehiwa.

VaNgadziore vakamiswa mudare neChishanu, asi mutongi wedare akati achanzwa chikumbiro chavo chekuti vabvisiswe mari yechibatiso nemusi weMuvhuro.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti zviri kuitika pana VaNgadziore zviri kuitikawo pavasungwa vakawanda uye zvinoratidza kuti zvava zvekungoda kurwadzisana muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG