Accessibility links

Breaking News

ZLHR Inoti Mauto Ari Kutyora Kodzero dzeVanhu Munyika


Mukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga
Mukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, eZimbabwe Lawyers for Human Rights, kana kuti ZLHR, rinoti riri kushushikana zvikuru kuti pane vanhu vanogona kunge vakusungwa panguva iyo mauto ari kuti ari kugadzirisa zvinhu munyika pasi pechirongwa cheOperation Restore Legacy. Sangano iri rinoti vanhu vava vanofanira kupihwa kodzero dzavo vasati vaendeswa kumatare edzimhosva.

Mumashoko avaburitsa nhasi, veZLHR vati veZimbabwe Defence Forces vanofanira kuita zvese zvinodiwa pasi pebumbiro remitemo yenyika zvikuru sei Section 50 iyo inoti vanhu vanofanira kupihwa kodzero dzavo vasati vaendeswa kumatare.

Magweta aya atiwo mauto anofanira kucherechedza Section 53 yebumbiro iyo inoti vasungwa vanofanira kuvawo nekodzero kwete kurohwa, kushungurudzwa kana kubatwa nenzira dzisina chiremera.

Sangano remagweta iri ratiwo Zimbabwe yakasaina zvibvurano zvakawanda zvemuAfrica nepasi rese zvinoisungira kuti icherechedze kodzero dzevasungwa uye tariro yavo ndeyekuti Zimbabwe icharemekedza zvisungo izvi zvakaita seAfrican Charter on Human and Peoples Rights neUniversal Declaration of Human Rights.

Mukuru wesangano ravana nyanduri vanorwira kodzero dzevanhu, VaRobson Isaac Shooes Lambada, vanoti kunyange havo vachifara nedanho rekugadzirisa zvinhu munyika rakatorwa nemauto, vanhu vese vakasungwa vanofanira kumiswa pamberi pematare edzimhosva.

Mukuru weZimrights, VaOkay Machisa, vati kunyange hazvo vanhu vari kufara nezvakaitwa nemauto zvakakoshawo kuti vese avo vakasungwa panguva iyi vachiendeswa kumatare kuti vanotongwa nemhosva dzavo.

Muzvare Mainah Dube vanotiwo izvi zvakakosha sezvo mhuri dzavo dzichifanira kuziva kuti vakachengetedzwa kupi.

Kutanga musi wa15 mwedzi uno mauto akazivisa kuti ainge atora danho rekugadzirisa zvinhu munyika nekusunga nhubu idzo anoti dzaifurira kana kushandisa vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, kuvhiringa zvinhu munyika.

Vamwe vevanhu ava vanosanganisira makurukota ehurumende akaita saVaignatius Chombo, nevaimbove nhengo dzeZanu PF dzakaita saVaKudzanai Chipanga.

Pari zvino hazvizikanwi kuti vanhu vangani vakachengetedzwa nemauto.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remauto panyaya iyi.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG