Accessibility links

Breaking News

Magweta Anoratidzira Achiti Haasi Kufara neKutyorwa kweKodzero dzeVasungwa


Magweta achiratidzira muHarare.
Magweta achiratidzira muHarare.

Magweta aratidzira muHarare achinyunyuta nekwaanoti kumbunyikidzwa kwekodzero dzevasungwa pamwe nekutyorwa kwebumbiro remitemo yenyika.

Magweta aya aratidzira kubva pamuzinda weLaw Society of Zimbabwe kusvika kudare reConstitutional Court achiti haasi kufara nezviri kuitika kumatare edzimhosva kubva patanga kuratidzira kwemazuva matatu kwakaitwa neveruzhinji masvondo maviri apfuura.

Rimwe gweta aya, VaBlessing Gwizo, vati magweta ari kunyunyuta kuti vatongi vedzimhosva havasi kutonga mhosva vakazvimiririra vachiti mutongo uri kungopiwa mumwe chete pavanhu vose vakasungwa.

Rimwe remagweta aya, uye vari mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaBlessing Gorejena, vati vari kushungurudzwa nenya yekuti magweta mazhinji haasi kupiwa mukana wekumiririra nemazvo vanhu vakasungwa.

Rimwe gweta ranga riri mukuratidzira uku, VaAugustine Borerwe, vati mafambiro ari kuita nyaya dzevasungwa ava hadzisi kujekeswa.

Muzvare Jessie Majome, avo varatidzirawo, vati zvakakosha kuti munhu wese ave pasi pemutemo.

Vati nyaya dzevakaratidzira idzi dziri kuchuchiswa chimbi chimbi huye vanhu vachirambidzwa kubvisa mari yechibatiso

VaZorodzai Dumbura vatiwo ibasa ravo semagweta kuona kuti vanhu vari kubatwa zvakanaka here kana kuti kwete, uye kuti mutemo uri kutevedzwa.

Vati kurohwa kwevanhu nemasoja mushure mekuratidzira zvinhu zvinofanirwa kushorwa zvikuru uye kuti zviongororwe sezvo mauto asina mvumo yekusunga kana kuchengetedza munhuwo zvake.

Magweta aya, achitungamirwa negweta guru rine mukurumbira munyika, Amai Beatrice Mtetwa, asvitsa gwaro renyunyuto kumabharani mukuru wedare reSupreme neConstitutional Court, kuitira kuti risvitswe kumutongi mukuru wematare edzimhosva, Justice Luke Malaba.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG