Accessibility links

Breaking News

Magweta Obvunza Kuti Ndiyani Achatonga Nyaya Iri Kupikisa Kuendeswa kwaVaMalaba kuMudyandigere


Opening of Legal Year 2019 - Chief Justice Luke Malaba

Dzimwe nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti kupikisa kuri kuita hurumende mutongo wakapihwa nedare repamusoro richimanikidza kuti mukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaLuke Malaba, vaende pamudyandigere, kuchaita kuti nyaya iyi ishaye anotonga.

Imwe yenyanzvi idzi, VaAlex Magaisa, vati mutongo uri kupikiswa nehurumende uyu unonetsa kuti nyaya yacho inzwikwe nematare sezvo vatongi vanotarisirwa kutonga nyaya iyi vari munyaya iyi.

Imwe nyanzvi mune zvemutemo vari mutungamiriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vati vanoona nyaya iyi ichiora iri kumatare pasina anoitonga.

VaMwonzora vati vakaenda kumatare vachiti VaMalaba vamanikidzwe kuenda pamudyandigere sezvo kuwedzerwa mamwe makore vari pabasa kwaityora bumbiro remitemo vakakanganisa nekuisa vatongi vese vekumatare epamusoro eSupreme Court neConstitutional Court mumapepa avo.

Gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaMarufu Mandevere, vatiwo sezvo nyaya iyi iri kubata vatongi vese vekumatare epamusorosoro, panotoda kugadzirwa rimwe dare rinonzwa nyaya iyi.

VaMagaisa vatiwo hurumende yakakanganisa kuendesa nyaya kudare reSupreme Court vachiti nyaya dzine chekuita nebumbiro remitemo yenyika, dzinofanirwa kunzwika kudare reConstitutional Court.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rebazi remitemo, VaZiyambi Ziyambi.

Asi mushure memutongo wakamanikidza VaMalaba kuenda pamudyandigere, VaZiyambi vakati vatongi venyaya iyi Justice Happias Zhou, Justice Edith Mushore naJustice Helena Charewa vainge vari muhomwe yehurumende dzekunze kunyaya America neEuropean Union.

Asi munyori mubazi rezvemutemo, Amai Virginia Mabhiza, vaburitsa gwaro kuvatori venhau vachiti hurumende inoremekedza kusununguka kwematare uye inoremekedza mutongo wakapiwa nemusi weMugovera.

Asi vati havawirirani nemutongo uyu uye vasiira matare kuti anzwezvakarenyaya iyi.

Judicial Services Commission yakadoma vaive mutevedzeri waVaMalaba, Amai Elizabeth Gwaunza, kuti vafanobate chigaro chemutongi mukuru wematare kudzamara padomwa mutongi mukuru mutsva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG