Accessibility links

Breaking News

Gweta, VaTapiwa Makanza, Vomiswa Mudare reDzimhosva


High Court Zimbabwe
High Court Zimbabwe

Gweta rinomirira VaThabani Mpofu, VaTapiwa Makanza, vanotarisirwa kumiswa pamberi pedare redzimhosva muHarare vachipomerwa mhosva yekukanganisa kufambiswa kwemitemo.

VaMakanza ndivo gweta rinomirira VaMpofu, avo vanozivikanwa sagweta raVaNelson Chamisa, munyaya yavari kupomerwa yekuti vakashandisa zita remunhu wenhema mumagwaro avakaendesa kumatare edzimhosva munyaya yekukwikwidza kudomwa kwemuchuchusi mukuru, VaKumbirai Hodzi.

Gweta raVaMakanza, VaPaidamoyo Saurombe, vanoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, vaudza Studio 7 kuti VaMakanza vakavharirwa kuMorris Depot asi vanotarisirwa kumiswa mberi kwedare redzimhosva neMuvhuro.

VaSaurombe vati magweta ave kusungirwa nyaya dzisina maturo, vachiti vave kutyira kuti zviri kuitika kumagweta zvichakanganisa kodzero dzevanhu vanenge vachimiswa mberi kwematare edzimhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG