Accessibility links

Breaking News

America Inorumbidzwa Pakukudza Bumbiro Remutemo


Godwin Nyengedza
Godwin Nyengedza

Imwe nyanzvi munyaya dzezvemitemo iri kurumbidza America nekutevedzera bumbiro remutemo wayo zvinopa kuti mapisha pisha nekunetsana kuite kushoma.

Chizvarwa chemuZimbabwe vachishanda nekambani yemagweta yeScanlen and Holderness muHarare, VaGodwin Nyengedza, vaudza Studio 7 kuti vakagara nekushanda munyika dzakasiyana siyana, kusanganisa kuUnited Kingdom, asi kana vachienzanisa nyika idzi, America iri pamberi pakutevedzera mitemo.

“Kana ndichienzanisa nedzimwe nyika, chandinonyanya kukudza pamusoro peAmerica ndechekuti inoremekedza bumbiro remutemo kusanganisa kodzero nekusununguka kwevanhu,” VaNyengedza vakaudza Studio 7.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ichi chinhu chikuru chandiri kuona muAmerica zvekuti dzimwe nyika dzinofanira kudzidza pazviri. Munhu ari muAmerica anokwanisa kutaura zvinhu zvaanoda pasina kutya kuti anogona kubatwa nemurawo kana kusungwa.”

VaNyengedza, avo vari kushanda pari zvino nekambani yeCovington and Burling muWashington D.C vanoti chimwe chezvavari kuona ndechekuti zvekudya zvemhando dzose zvinowanikwa muAmerica.

Vanoti apa America iri mberi senyika ine vanhu vemarudzi ese anobva kunyika dzese pasi pane zvinokonzera kuti nyika iyi ive nezvekudya zvenyika dzese dzese.

Chimwe chezvinovafadza inyaya yedandemutande, kana kuti ‘internet’.

“Ikozvino nyika dzese dziri kushandisa madandemutande, internet. MuAmerica hapana painotadza kubata internet nokuti makambani anouyisa internet akawanda zvekuti kukwikwidzana kwawo kunobatsira vanhu veruzhinji sezvo mitengo ichizodzikiswa,” VaNyengedza vakaudza Studio 7.

Vanoti sarudzo dzichangopera kuitwa muAmerica dzakaratidza zvekare kuti vanhu vanotsvaka rutsigiro musarudzo vanotaura zvavanoda, vakasununguka uye vasingatyiri hupenyu hwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:11:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG