Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeKomiti yeZvicherwa Dzinotadza Kuuya Kuzonzwa Nyaya yeMangoda


Hurungwe West Independent candidate, Temba Mliswa
Hurungwe West Independent candidate, Temba Mliswa

Paramende yatadza kubvunzurudza vakuru vemauto nevasori maererano nekuchera kwavaita mangoda kwaMarange mushure mekunge nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto nezvicherwa dzatadza kuuya dare sezvo dzanzi dzange dzaenda kunoita basa remapato adzinomirira izvo zvatsamwisa vakawanda.

Panguva yange ichifanira kutanga musangano, pange paine nhengo mbiri chete dzekomitiiyi, dzinoti VaTemba Mliswa vasina bato ravanomirira, uye vachimirira Norton, naAmai Emma Muzondiwa vebato reMDC-T vekuMidlands.

Komiti iyi ine nhengo makumi mana.

Izvi zvaita kuti sachigaro vekomiti iyi, VaMliswa vaudze vakururu vakuru vemauto nevasori vanga vauya kuzopa humbowo kuti vadzokere sezvo mutemo weparamende uchiti panofanira kunge paine nhengo shanu dzekomiti kuti dzikwanise kuita basa.

VaMliswa vaudza munyori mubazi rezvekudzivirirwa kwenyika, VaMartin Rushwaya,pamwe vakuru vakuru vevasori kuti nhengo dzekomiti iyi dzange dzaenda kumisangano yemapato adzo sezvo dziri kurwira kuti dzisarudzwe kuti dzidzoke muparamende zvekare pachaitwa sarudzo.

Vati vane hurombo chose kuti vatadza kuenderera mberi neongororo yavo sezvavange vakatarisira.

Vati zvaitika nhasi chidzidzo kuti vanhu vazive kuti kuvhotera vanhu vasina bato ravakamirira hazvikanganisi basa reparamende.

Izvi hazvina kufadza vakawanda vanoti zviri kuitika izvi zvinoratidza kuti nhengo dzeparamende hadzina hany’a nevanhu vadzinomirira.

VaItai Madzivaidze vaudza Studio7 kuti nyaya yekubiwa kwemangoda ekwaMarange yakakosha kudarika bato ripi zvaro uye veruzhinji vanoda kuziva kuti nyika inoshaya mari sei iko kwaMarange kwaicherwa mangoda nemakambani emauto, mapurisa, vasori nemamwe akabva kuune dzimwe nyika.

Vari kuda kumirira Harare Central vasina bato ravakamirira, Muzvare Linda Masarira, vaudza Studio 7 kuti zvaitika muparamende nanhasi chidzidzo kuvanhu kuti vanofanira kuvhotera vanhu vanoisa zvido zvavo pamberi kwete zvemapato avo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, Dr Bekezela Gumbo, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo veruzhinji vachitarisira kuti nhengo dzeparamende dzivamirire nemazvo, zviri kuitwa nenhengo idzi zvinoratidza kuti hadzikoshesi veruzhinji.

Nhengo dzeparamende dzakakokwa zvechimbi chimbi svondo rino kuti dzizozeya bhiri rekuvandudza mitemo yesarudzo asi dzakabvumirana nezuro kuenda zvakare kuzororo pasina zvadzagadzirisa pamutemo uyu zvisineyi kuti nyika yakatarisana nesarudzo dzakakosha.

Vaimbove mutunguamiriri wenyika, zvakare vari mukuru wemauto nevasori, VaRobert Mugabe, vakatotaura kuti nyika yakarasikirwa nemangoda ekwaMarange anokosha mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora.

Mauto, mapurisa, vasori nemamwe makambani ehurumende vaichera mangoda kwaMarange zvakavanzika uye ndosaka paramende yave kuita ongororo yekuti zvakafamba sei.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG