Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeMapurisa neMasoja Ari Kurova Vanhu Inotsviriridza Muparamende


Zimbabwe Speaker of Parliament Jacob Mudenda presides over a parliament session where a motion is moved to impeach President Robert Mugabe, Nov. 21, 2017 at the Zimbabwean Parliament in Harare, Zimbabwe.
Zimbabwe Speaker of Parliament Jacob Mudenda presides over a parliament session where a motion is moved to impeach President Robert Mugabe, Nov. 21, 2017 at the Zimbabwean Parliament in Harare, Zimbabwe.

Nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu nemapurisa nemauto yatsviriridza muparamende nhengo dzeMDC dzichiti zviri kuitwa zvinoratidza kuti hurumende haichatevedzeri bumbiro remitemo yenyika uye haichakoshesi kodzero dzevanhu.

Asi gurukota remitemo neparamende, VaZiyambi Ziyambi, vati hurumende ine basa rekuchetengetedza vanhu uye haingangotarisi vanhu vachityora mutemo.

Mumiriri weHarare East muNational Assembly, VaTendai Biti, veMDC ndivo vabvunza VaZiyambi kuti ndiwo wave mutemo here wehurumende kutyora kodzero dzevanhu pamwe nekusatevedza bumbiro remitemo yenyika sezvo mauto nemapurisa ari kutyora kodzero dzevanhu kubva pakaita kuratidzira kwainge kwakarongwa neZimbabwe Congress of Trade Unions.

VaBiti vati pane humbowo kubva kuZimbabwe Human Rights Commission hunoratidza kuti vanhu vakarohwa, vamwe vakabhinywa vamwe vakaurayiwa nemauto nemapurisa ayo anofanira kunge achivachengetedza.

VaZiyambi vapindura vachiti hurumende haingatarise vanhu vachityora mutemo uye yakatora matanho ayakatora ekuchengetedza vanhu, vemabhizimisi, pamwe nevamwe vainge vasina kuratidzira.

Vati vese vakakonzera mhirizhonga yakaitika pakuratidzira uku vachasungwa nekuendeswa kumatare uye vanenge vasina kufara nemitongo yavari kupihwa vakasununguka kuenda kumatare epamusoro.

Vati kana paine pakatyorwa mutemo kana vanhu vakatadzirwa, vakasununguka kumhang’ara nyaya dzavo kuti dziongororwe.

Imwe nhengo yeMDC mudunhu reHarare, Amai Paurina Mpariwa, vati vanodawo kuziva kuti sei mauto nemapurisa achiri mumisha inogara veruzhinji akana zvinhu zvakamira zvakanaka.

Asi VaZiyambi vati vanhu vasina mhosva vakarohwa nevanhu vairatidzira, uye vave kutya kufamba husiku mumisha yavanogara.

VaZiyambi vati hurumende iri kushandisa mapazi ayo anoona nezvemukati menyika nekuchengetedzwa kwerunyararo, kutsvaga vese vaipara mhosva panguva yekuratidzira uku.

Pane nhengo dzeMDC ina dzakasungwa uye pane dzimwe nhengo dzeMDC dziri kutsvagwa nekuda kwenyaya iyi dzakaita saVaGodfrey Sithole zvekuti nhasi chaiko dzatadza kuuya kudare dzichitya kusungwa.

MDC inoti nhengo dzayo dzeparamende dzinosvika makumi mana nenhatu dziri parumananzombe sezvo dziri kushungurudzwa.

Mutauriri weparamende, Advocate Jacob Mudenda, vatiwo nyaya dzese dzinonzi dzapakarwa pakuratidzira dzinofanira kumhang’arwa dzoongororwa kuti chokwadi chibude pachena.

Vanhu vanodarika gumi nevaviri vakapfurwa vakafa, uye vanhu vanodarika makumi manomwe vakarapwa maronda akakonzerwa nemabara epfuti mumhirizhona yakaitika.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti rakarapa vanhu vanodarika mazana mashanu vakakuvara mumhirizhonga iyi.

Vanhu vanodarika chiuru vakasungwa, kusanganisira Pastor Evan Mawarire, vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG