Paita kusawirirana kukuru pasvika mutumbi wemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, panhandare huru yendege muHarare uchibva kuSouth Africa uko kwakakashaikira VaTsvangirai nemusi weChitatu.
VaNelson Chamisa, avo vari kunzi nevamwe mubato ravo ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri webato reMDC-T, vasundwa vakapotsa vadonha negotsi nemunin'ina waVaTsvangirai, VaCollins Tsvangirai.
Izvi zvaitikira panotambirwa zvinhu zvinenge zvauya nendege. VaChamisa vazobatwa nevamwe vavo vanga vari pedyo kuti vasadonhe negotsi.
Hatina kukwanisa kuziva kuti izvi zvakonzerwa neyi, uyewo kunzwa kuna VaChamisa mbune.
Asi mhuri yekwaTsvangirai yagara ichiburitsa mashoko anoratidza kuti yanga isiri kufara nezviri kuitika mubato zvichitevera gakava rekuti ndiyani achafanobata chigaro chemutungamiri webato pakati paVaChamisa, Muzvare Thokozani Khupe naVaElias Mudzuri.
Vachitaura vari panhandare, amai vaVaTsvangirai, Mbuya Lydia Tsvangirai, vapika kuti havadi kuona VaChamisa nemudzimai wemwana wavo, Amai Elizabeth Tsvangirai, vakati vakasvika parufu apa, vanozvisungirira.
"Udza vana sekuru vako kuti Eliza handidi kumuona pano, nana Chamisa kana timu yaChamisa handidi kuyiona pano. Hezvino ndiri pano. Ndinozvisungirira," Ambuya Tsvangirai vanzwikwa vachitaura muvhidhiyo yaburitswa neZBC.
Mutumbi waVaTsvangirai watambirwa nezviuru nezviuru zvevatsigiri vebato iri, kusanganisirawo gurukota rehurumende, VaSimon Khaya Moyo nevakuru vakuru mubato.
Mutumbi uyu waendeswa kuCommando One Barracks, uko uchachengetedzwa husiku hwese wozoendeswa neSvondo kuMabelreign Methodist Church. Mushure mezvo mutumbi uchapfuura nepaHarvest House masikati uchienda kumba kwaVaTsvangirai.
Rufu rwaVaTsvangirai rwuri kuwana rubatsiro kubva kuhurumende sezvo VaTsvangirai vakamboita mutungamiri wehurumende munguva yehurumende yemubatanidzwa yakaitwa muna 2009 kusvika 2013.
Facebook Forum