Accessibility links

Breaking News

Vakatengeserwa Nzvimbo dzeKuvakira muChinhoyi Vanonyunyuta kuKomisheni


Komisaheni iri kunzwa nezvekutengeswa kwenzvimbo dzehurumende zvisiri pamutemo yaudzwa kuti nzvimbo zhinji hadzina kuiswa migwagwa kana pombi dzemvura.
Komisaheni iri kunzwa nezvekutengeswa kwenzvimbo dzehurumende zvisiri pamutemo yaudzwa kuti nzvimbo zhinji hadzina kuiswa migwagwa kana pombi dzemvura.

Vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti vanzwa nekubhadhara mari yenzvimbo dzepekugara kune vanhu vakapihwa nzvimbo nebazi rematunhu kana kuti ma developer asi pasina zviri kuitwa.

Vachitaura muChinhoyi kukomisheni iri kuongorora kutengeswa kwenzvimbo dzehurumende zvisiri pamutemo, VaShylock Mugandari vanoti havasi kufara nemari yavari kubhadhara mwedzi wega wega kuna VaObediah Musindo asi pasina kuvandudzwa kwenzvimbo dzavakapihwa.

VaMugandari vaudza komisheni iyi kuti kunyange vachibhadhara mari inoita madhora makumi masere pamwedzi, nzvimbo yavari kugara haina mapombi emvura neanofambisa tsvina, izvo vanoti zvinoratidza kuti mari yavo iri kushandiswa zvisiri izvo naVaMusindo.

VaMugandari avo vakatanga kubhadhara mari iyi muna 2011, vanoti chave kuvashamisa ndechekuti mushandirapamwe wakapindwa nevanhu vaida nzvimbo dzekugara uyu wave kunzi ndewemunhu mumwechete, vanova VaMusindo.

Mumwe mugari, Amai Chenai Kumwala, vanoti zviri nani kuti vabhadhare mari kukanzuru pane kuti varambe vachibhadhara VaMusindo avo vavanoti vari kudya mari yavo.

Amai Kumwala vanoti vakanyeperwa naVaMusindo kuti vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vainge vachitsigira hurongwa hwekuwaniswa nzvimbo dzekugara uhu.

VaMusindo vachashevedzwa kuzopa huchapupu kukomisheni iyi, asi pavakambopa uchapupu kukomisheni imwechete kwaMutare vakati havasati vadarika nguva yekuvandudza nzvimbo dzekugara dzavakapihwa sezvo vakapihwa makore gumi kuti vaise migwagwa, mvura nemapombi etsvina.

Kusafambiswa zvakanaka kwenzvimbo dzekugara kunonzi kuri kuitikawo kuKaroi uko nhengo dzeKubatana Co-operative dzataurira komisheni iyi kuti kanzuru haisi kufambisa zvinhu nemazvo.

Mukuru weKubatana Co-operative, VaRodwell Shangwa, vanoti kugadziriswa kwenzimbo dzavo dzekugara kuri kutora nguva yakareba asi ivo vachibhadhara mari
kubvira muna 2014.

Vachitaura kukomisheni imwechete nhasi, mukuru mubazi rezvematunhu, VaChristopher Shumba, vabvuma kuti kupihwa kwaiitwa nzvimbo dzekugara nebazi iri kwainge kusina kunyatsojeka zvikuru muhofisi yezvekurongwa kwezvinhu kana kuti planning.

Komisheni iyi iri kutarisa nzvimbo dzehurumende dzose kuti
ndivanaani vagerepo, uye kuti vakagara zviri pamutemo here, kana kuti vane magwaro anovapa mvumo yekugarapo here.

Zviri kubuda pachena kuti bazi rezvematunhu rakapa vamwe vanhu nzvimbo dzekugara kuti vadzivandudze vozopa vagari pave nemvura nezvimwe zvinodikanwa, asi hapana chiri kuitwa sezvo dzimwe nzvimbo dzakatotengeswa kune vamwe vanhu pasina zvakaitwa izvo zvinonzi huori.

Vamwe vakapihwa nzvimbo vasina zvavati vaita kwemakore anodarika mashanu ndiMuzvare Tanya Rushesha , mwana wegurukota rezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri-Kashiri, avo vakapihwa mahekiteya makumi mana, pamwe nenhengo yevechidiki yeZanu PF VaMike Chimombe, avo vakapihwa mahekiteya makumi matatu.

VaChimombe vakaudza komisheni kuti vakabhadhara mari yose yekutenga nzvimbo yavakapihwa inoita madhora ekuAmerica zviuru zana nemakumi mashanu uye havasati vasimudzira nzvimbo iyi nekuda kwekuti vakatorerwa zvimwe zvikamu naVaBen Swanepoel uye nyaya iyi iri kumatare edzimhosva.

Komisheni iyi, iyo iri kutungamirirwa naJustice Tendayi Uchena ichange iri mudunhu reMashonaland West kusvika musiwa 10 Nyamavhuvhu uye ichafamba mumatunhu madiki ose.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG