Accessibility links

Breaking News

“One World Together At Home” Inowana Mamirioni Mazana Maviri Anemakumi Manomwe Emadhora Kubatsira Kurwisana neCovid-19


Muimbi Lady Gaga

Muimbi ane mukurumbira, anozivikanwa nezita rekuti ‘Lady Gaga’, achibatsirana neWorld Health Organisation, akaronga mutambo wemimhanzi apo vaimbi vane mukurumbira vaishaura kuvanhu pasi pose vari mudzimba dzavo muAmerica, United Kingdom, kuEurope nekunedzimwe nyika zhinji pasi pose. Mutambo uyu, uyo unonzi ‘One World Together at Home’, wakaona vaimbi vanemukurumbira vachiimbira vanhu, pakabuda mamirioni nemamirioni emadhora ekubatsira mukurwisana nechirwere che Coronavirus, pamwechete nekubatsira avo vanorapa vanhu asi vasina mbatya dzakakwana dzekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi. Vanhu vanoita mamirioni makumi maviri ne mazana manomwe (270 million) vakaona mutambo uyu uchiitwa paInternet, patelevhizhini nepama ‘social media’ akasiyanasiyana. Mutambo uyu wakaitirwa kutsigira avo vanoshanda vachirapa vanhu vanechirwere che Covid-19 uye kuedza kubatsira kumisa kupararira kwe chirwere ichi. Sangano rinoona nezvehutano pasi pose, reWorld Health Organization, rakabatana naLady Gaga, rakaronga mutambo uyu, uyo wakatora ma awa matanhatu vaimbi vachiyaura. Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinofarira zvemimanzi nemafirimu, Tafadzwa Munjanja, anogara mudunhu reOklahoma, muAmerica, anoti mushure memutambo uyu, pakazoita ma awa maviri apo vaimbi, vamwe vatungamiri venyika neavo vanozivikanwa mukubatsira nemari vakarumbidza vashandi mune zvehutano, vanachiremba neavo vese varikurwisana nechirwere che coronavirus pasi pose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG