Accessibility links

Breaking News

Dare reLabor Court Rinoudza Hurumende Kuiti Iuye neMagwaro Akakwana


zimbabwe doctors strike

Dare rinonzwa nyaya dzevashandi, re Labor Court, raramba kutambira chikumbiro chehurumende sezvo hurumende yanga isina kuunza magwaro akakwana panyaya yayo yairi kunetsana navanachiremba vasiri kuenda kubasa.

Gweta ranga rakamirira vanachiremba veZimbabwe Hospital Doctor’s Association mudare reLabor Court, VaDoug Coltart, vati dare rati panga pasina mapepa akakwana kubva kuHealth Services Board, HSB, nokudaro nyaya iyi haikwanisi kunzwikwa zviri pamutemo.

Dare rati gweta reHSB riunze mapepa asipo aya mangwana, unova musi weChitatu.

Asi vana chiremba vatiwo kuendesana kumatare hazvisizvo zvinounza mari yekuti vakwanise kuenda kumabasa, nekudaro hazvigadzirisi dambudziko riripo.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Masimba Ndoro, vati basa ravo rinovasungira kuti vavepo mazuva ese nekudaro vanofanirwa kuwaniswa mari yekuti izvi zviitike.

Vana chiremba vadiki vakatanga kusaenda kumabasa musi wa3 Gunyana vachiti havana zvikwanisiro zvakakwana zvekuti vaende kumabasa.

Vana chiremba vakuru pasi peZimbabwe Senior Hospital Doctors' Association vakatangawo kusaenda kumabasa nemusi weChina chapfuura vachinyunyutawo nenyaya yemihoro pamwe nekushaya zvekushandisa zvakakwana muzvipatara.

Vana chiremba vakuru ava vanyorawo gwaro vachitsutsumwa nezvekutyityidzirwa kwavari kuita vakati hazvibatsiri kuti vana chiremba vave kuzvipatara kusina zvikwanisiro zvinoita kuti vachengetedze hupenyu hwevarwere.

Vana chiremba vashorawo hurumende vachiti mari yakawedzerwa nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana vachiti havana kubvumirana nazvo.

Zvichakadaro, mamwe madhokotera makuru maviri amiswa basa neUniversity of Zimbabwe pasina muhoro vachipomerwa mhosva yekubatana nevamwe kuramwa mabasa pamwe nekupesvedzera vamwe vavo kuti vasaende kubasa.

Vamiswa basa ava ndiDr. Bothwell Mbuvayesango, vanove nyanzvi mukuvhiya vana, pamwe naDr. David Chimuka, nyanzvi mukurapa chirwere chemoyo.

Dr. Mbuvayesangano vakaita mukurumbira munyika mushure mekubudirira kwavakaita kuopareta mapatya aive akaberekwa misoro yavo yakabatana muna 2014, ukuwo Dr. Chimuka vachizivikanwa nezvikuru munyaya dzekuopareta moyo.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rashora zvikuru kumiswa basa kwaitwa basa Dr. Mbuvayesangano naDr. Chimuka.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuUniversity of Zimbabwe pamwe nekunzwa kudivi rehurumende nezviri kuitika izvi munyaya dzehutano.

Asi mugwaro rabudiswa negurukota rezveutano, VaObadiah Moyo, vabvuma kuti vana chiremba havana kuteerera kurudziro yehurumende yekuti vadzokere kumabasa.

VaMoyo vati hurumende yave kumirira zvichabuda kumatare, mushure mezvo vozivisa nyika pamire hurumende.

Vanachiremba vakatanga kusaenda kubasa musi 3 Gunyana vachiti havana mari dzinovakwanira kunge vachienda kumabasa avo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG