Accessibility links

Breaking News

Meya weKwekwe Anobviswa paChigaro neMDC-T


City of Kwekwe
City of Kwekwe

MDC Alliance inoti haisi kufara nekudzingwa kwakaitwa makanzura ayo matatu eguta reKwekwe, zvichitevera danho rakatorwa neMDC-T rekuti makanzura aya haasisiri nhengo dzebato.

Gurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, vakazivisa munyori we Kwekwe nemusi weChina kuti meya weguta iri, Amai Angeline Kasipo, mutevedzeri wameya, Amai Melody Chingarande pamwe nakanzura Washington Moyo, vakange vadzingwa nebato re MDC-T, nokudaro vakanga vasisakodzeri kuva nhengo dzekanzuru yeKwekwe.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, Va Clifford Hlatywayo, vati kudzingwa kwevatatu ava kuri pachena kuti kune chekuita neZanu PF, uye havasi kushamiswa nemaitiro akadai.

VaHlatywayo vati, Zanu PF, ibato rava kuita zveshaisano nokudaro MDC Alliance ichapinda muvanhu ichavaudza kuti dambudziko remuZimbabwe rava kuda kuti vanhu vabatane kuitira kuti vabvise hurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri weMDC -T, Va Witness Dube, kuti tinzwe dvi ravo panyaya iyi sezvo vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.

Asi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio7 kuti bato ravo harineyi nezviri kuitika pakati peMDC T neMDC Alliance.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG