Accessibility links

Breaking News

Mambo Musarurwa Voyambira Madzimai Nevanasikana Kuti Vasakambire Mabasa EkuKuwait


Madzimai makumi matatu nevaviri, kusanganisira vasikana, vari kutarisirwa kusimuka muKuwait mabakwedza emusi weMugovera zvichitevera kubudirira kwenhaurirano dzakaitwa nemutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, nehurumende yemu Kuwait.

Madzimai aya ari muKuwait zvichitevera kunyeperwa kwavakaitwa kuti vachawana mabasa epamusoro.

Muzvinabhizimisi VaWicknell Chivhayo vakabatsira nekutenga matiketi emadzimai aya. Mumwe weavo vari muKuwait ndiMambo Enos Musarurwa vanova mambo wekuChikomba uye vari Senator.

Mambo Musarurwa vari kuyambira mamwe madzimai nevanasikana varikunyeperwa kuti kune basa ku Kuwait nemakoronyera kuti vasakwezwe moyo sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika iyi.

"Ndaka katyamadzwa nezvandakaona munyika yeKuwait. Zviri nani kuti vanasikana vedu vadzokere kumusha sezvo kuno vari kubatwa senhapwa uye kurudziro yangu huru ndeyekuti vasikana ngavaende kuchikoro vaite zvedzidzo kwete kunyeperwa nemakoronyera ari muZimbabwe ne Kuwait kuti kune mabasa."

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG