Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vane Hama Dziri kuKuwait Voshushikana neKubatwa Kwadziri Kuitwa seNhapwa


Vamwe ambuya vane muzukuru akaenda kunotsvaga basa kuKuwait vanoti vari kushushikana zvikuru nemagariro ari kuita muzukuru wavo mushure mekunge pabuda mashoko ekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvakaenda kunyika iyi zviri kubatwa senhapwa.

Ambuya ava vasina kuda kudomwa nezita asi vati vanoda kunzi Amai Ndoro vanoti muzukuru wavo ane makore makumi maviri nerimwe uye iye nevamwe vasikana vemuHarare vakanyeperwa kuti kwakange kuine mabasa kuKuwait asi vave kubatwa sevaranda.

"Tirikushushikana sezvo tisina kana ruzivo kuti muzukuru aripi uye hapana arikuda kubuda pachena kuti zvirikufamba seyi kuKuwait ikoko. Tinongonzwa kuti kuri kudiwa mari inosvika $3 000 nemasponsor akapinza muzukuru wedu basa kuti akwanise kuregererwa kuti adzoke kumusha," Ambuya Ndoro vaudza Studio7.

Muzukuru waAmbuya Ndoro mumwe wechitsama chemadzimai nevanasikana vakanyeperwa kuti vaizowana mafuro manyoro kuKuwait uko vakange vanzi vachapihwa mari svinu uye vachashanda mumahotera izvo zvisina kuzoitika.

"Zvirikunyanya kurwadza ndezvekuti hatisati tawana mukana wekutaura nemuzukuru wedu kubvira pa Easter uye tinonzwa kuti akabviswa paaimboshanda mushure mekunge vana amai vake vamhan'ara kumapurisa muno muZimbabwe nezvange zvichiitika kuKuwait."

Vakaenderera mberi vachiti, "Kunyangwe zvazvo pane makoronyera akamiswa pamberi pedare achipomherwa mhosva yekunyepera madzimai nevanasikana kuti kwange kune mabasa akanaka vanhu ava vakabhadhariswa mari dzechibatiso uye vari panze pari zvino izvo zviri kutirwadza,"Ambuya Ndoro vakadaro.

Vamwe vasikana vakakwanisa kutiza kwavaishanda vakawana rubatsiro kubva kumuzinda we Zimbabwe uri muKuwait asi parizvino vakawanda vacho havana mari dzekutenga matikiti ekufambisa.

Ambuya Ndoro vanoti kunyangwe hazvo hurumende yakagadza Ministerial Committee yekutarisa zvirikuitika kuKuwait vanoda kuti vabereki vemadzimai nevana sikana ava vasangane negungano iri kuitira kuti vature nhunha dzavo. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuhurumende asi vamwe vashandi vekumuzinda weZimbabwe uri muKuwait vangavasingade kuzivikanwa vakati dambudziko iri rakadzika midzi munyika iyi uye vari kushanda nevavo vanenge vakwanisa kubata hofisi yavo.

Human Trafficking Map
Human Trafficking Map

Ambuya Ndoro vanoti shuwiro yavo ndeyekuti makoronyera emuZimbabwe nevari kuKuwait vavharirwe muchizarira uye kuti vanasikana nemadzimai vanoda kudzokera kumusha vadzoswe nechimbi chimbi.

"Nyaya dzekuti panofanirwa kubhadharwa mari kumasponsor inofanirwa kugadziriswa kuti avo vanenge vachida kudzoka kumusha vadzoswe pachena," Ambuya Ndoro vakaudza Studio7.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG