Accessibility links

Breaking News

Mamwe Madzimai emuZimbabwe Ari Kubatwa seVaranda kuKuwait Otaura neStudio 7


Mumwe musikana wechidiki ane makore makumi maviri nerimwe ari ku Kuwait uko ari kushanda mumba anoti shuwiro yake ndeyekudzokera kumusha sezvo arikubatwa semuranda.

Muzvare Chipo Sanyika vanoti havatombobvumidzwe kubuda mumba mavanoshanda uye havatombozive kuti guta ravanogara rinonzi chiyi asi vanoziva kuti vari pedyo nenyanza.

Muzvare Sanyika vanoti vakawana basa ravo kubva kune vamwe vanhu muHarare asi vakanyeperwa kuti vachange vachitambira mari svinu asi parizvino hupenyu hwakavawomera sezvo varikubatwa sechikorobho.

Vanoti kunyangwe zvazvo pane vazhinji vanoda kudzokera kumusha vamwe vave kutongogarira nhamo kuKuwait sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

"Ini shuwiro yangu ndeyekudzokera kuZimbabwe asi parizvino handisati ndave nemari yekutenga tikiti nekuti kunodiwa mari inosvika $3 000 kuti ndikwanise kudzokera kumba. Amai vangu varikushushikana zvikuru nezviri kuitika kuno asi havakwanise kundibatsira sezvo zvinhu zvisina kuvamirira zvakanaka uye vakatondiyambira kuti ndichitanga kuisa mari parutivi yekuti nditenge tikiti rekudzokera kumusha," Muzvare Sanyika vakaudza Studio 7.

Mamwe masangano anorwira kodzero dzemadzimai akaita se Zimbabwe Women In Politics Alliance ne Zimbabwe Activist Alliance anoti acharamba achikurudzira hurumende kuti iwone zvaingaite kuti madzimai ari kubatwa senhapwa adzoke kumusha.

Vanomirira dunhu re Bulawayo East muParamende Muzvare Tabitha Khumalo vanoti vachabatana nemasangano anorwira kodzero dzemadzimai mukukumbira rubatsiro kumasangano akaita se International Migration Organisation kuti abatsire madzimai achiri muhunhapwa kuti vadzoke kuZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG