Accessibility links

Breaking News

Hurumende Irikugadzira Mitemo Ichashandiswa Nemakereke Ose


Rev Dr Kenneth Mtata

Hurumende inoti iri kunyora mitemo inofanirwa kutevedzwa nevemakereke mukuita basa ravo, ichiti vamwe vanhu varikushandisa makereke kutyora mitemo yenyika uye kuita zvisakafanira, zvinosanganisa kubudisa nekupinza mari munyika zvisiri pamutemo, kubata vanhukadzi chibharo, kushandisa vana panyaya dzepabonde, nezvimwe.

Izvi zvinotevera kusungwa kwevamwe vafundisi nevakuru vemakereke vachipomerwa mhosva dzakasiyana siyana pamwe chete nekutyora mitemo yenyika yezvekufambiswa kwemari.

Hurumende inoda kuti vemakereke varatidze kunobva mari yavo uye kuti mari yacho vanoishandisa sei.

Gurokota rezvemukati menyika, VaCain Mathema, nezuro vakati kutadza kudzora vemakereke kuri kukonzera kuti vanhu vaite zvechitsotsi vakahwanda nemakereke.

Munyori wesangano remakereke, reZimbabwe Council of Churches, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti mitemo yekudzora vemakereke haina kuipa, zvikuru sei kana ichibatsira kuchengetedzwa nekukoshesa kodzero kwevana, nekudzivirira kuparwa kwemhosva muzita remakereke.

Asi vati hurumende inofanira kungwarira kuti mitemo yairi kunyora haipindiri kana kukanganisa vanhu mushumiro dzavanoita.

Doctor Mtata vakurudzira hurumende kuti iite bvunzurudzo yakakwana nekuti mitemo haiitirwi vanhasi vega asi ichazoshandiswavo nevamwe makore arimberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG