Accessibility links

Breaking News

VaKembo Mohadi Vachatungamirira Chikwata Chichanotora Mutumbi WaVaRobert Mugabe KuSingapore Nhasi


VaRobert Mugabe

Mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakashaya neChishanu chapfuura ku Singapore, unotarisirwa kusvika munyika nemusi weChitatu svondo rino.

Mashoko atiri kutambira anoti ndege yasvika muHarare kuzotora vakuru vakuru vehurumende pamwe chete nehama dza VaMugabe kuenda navo ku Singapore kunotora muchakabvu.

Bepanhau reHerald rinoti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatuma umwe wevatevedzeri vavo, VaKembo Mohadi, kuti vatungamirire chikwata chevanhu vanobva kuhurumende nehama dzaBaba naAmai Mugabe kuenda kuSingapore nhasi kunotora mutumbi wa VaMugabe.

Mutevedzeri wemunyori mukuru muhofisi yemutungamiri wenyika pamwe nedare remakurukota, VaGeorge Charamba, nezuro vakaudza bepanhau re Sunday Mail kuti VaMugabe vari kutarisirwa kuzoradzikwa kumarinda emagamba enyika ku National Heroes’ Acre muHarare nemusi weSvondo.

VaCharamba vakarambawo mashoko ekuti pane kupesana pakati pehurumende nemhuri yekwa Mugabe pamusoro pekuti vovigwa kupi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimiririra, VaTapuwa Kapurura, vanoti panyaya yekuchavigwa VaMugabe, mhuri yekwa VaMugabe inofanira kubvumirana nehurumende nekuti VaMugabe vange vari munhu mukuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG